Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeCCC Dzomiswa paMberi peDare kuMasvingo


High Court Zimbabwe

Nhengo idzi dzakasungwa nemusi weChina mushure mekunge dzamhan’arirwa kumapurisa naAmai Muchuchuti, avo vakaramba kupa mukana mumwe wavo, VaAleck Tabe, vakadomwa nebato ravo vachiti vakabirirwa.

Amai Muchuchuti vanoti pamusoro pekurohwa vakabirwa mari inosvika mazana mana nemakumi mana nemapfumbamwe emadhora ekuAmerica.

Mutongi wedare, Muzvare, Grace Tupiri, vakati nhengo idzi, Muzvare Esnath Zishiri, Emma Chiriga, Garikai Mpandawana, Ropafadzo Tabe pamwe naMathew Giyani vadzoke kudare musi wa 3 Kurume vachibva kumba.

Gweta ravashanu ava, VaOmen Mafa, vekwa Mutendi, Shumba and Associates, vati vashanu ava vari kupomerwa mhosva mbiri dzekutyora mutemo weCriminal Law(Codification Reform) Act, chikamu 89 ne113.

Mutevedzeri wemutauriri weCCC, muMasvingo, Muzvare Lee Mahachi, vapomera bato rinotonga reZanu PF mhosva yekupindira munyaya dzavo ichishandisa mutemo kushungurudza nhengo dzavo.

Studio 7 yatadza kunzwa divi reZanu PF sezvo nhare yasachigaro webato iri muMasvingo VaRobson Mavhenyegwa, yangaichiramba.

Asi VaMavhenyengwa vanogara vachiudza Studio 7 kuti bato ravo
rinoremekedza mutemo nerunyararo. Vebato reCCC vanopomera bato reZanu PF mhosva yekuita mhirizhonga kunhengo dzayo uye kushandisa mapurisa kusunga nhengo dzavo.

CCC, inopomera nhengo dzeZanu PF, mhosva yekuponda nhengo yavo VaNyasha Zhambe Mawere gore rapera kwaGutu uye mhosva yekupamba imwe nhengo yavo VaJohn Mupanduki kwemazuva maviri kuBikita mwedzi wapera.

Zvichakadaro gweta riri kumurira mhuri yavaZhambe, VaMartin Mureri, pakusungisa nhengo dze Zanu PF dzinonzi dzakaponda mumwe wavo , vanoti nyaya iyi ichir ikuenderea mberi kunyangwe mumwe mukuru webato iri vaipomerwawo mhosva iyi , VaBuster Mafios vakashaika.

VaMafios avo vakashaika munjodzi yemumugwagwa kwaChihambakwe kwaGutu svondo rapfuura vakavigwa musi wa8 paMasvingo Provincial Heroes’ Acre mushure mekuitwa gamba redunhu nehurumende.

VaMafios vaimbova kanzura weZanu PF muward 33 kwaGutu, uye sachigaro webato ravo mudunhu iri, mushure mekusiya basa muchiuto mugore ra2004, vanonzi ndivo vaitungamirira vechidiki veZanu PF avo vakabata VaZhambe vakavarova zvekuita kafirmbaeri.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG