Accessibility links

Breaking News

Citizens Coalition for Change Yonyunyuta neKwainoti Kunyimwa Mukana weKutsvaga Rutsigiro Sezviri Kuitwa Zanu PF


Mutungamiri webato reCitizens Coalition For Change, VaNelson Chamisa
Mutungamiri webato reCitizens Coalition For Change, VaNelson Chamisa

Nyaya yekushandiswa kwemutemo uchinzi unotarisa kuti munhu abuda mumba maani munyaya dzezvematongerwo enyika inonzi yave kuonekwa zvakare mugadziriro dzesarudzo dzema by-election dziri kuitwa musi wa 26 Kurume, apo vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change vari kunyunyuta kuti vari kurambidzwa nemapurisa kuungana kuti vatsvage rutsigiro asi vebato riri kutonga veZanu PF vachibvumidzwa kuita madiro aJojina.

Meya veHarare vakambomiswa basa uye vari munyori anoona nezvekutongwa kwematunhu muCitizens Coalition for Change, VaJacob mafume vanoti mutungamiri wavo VaNelson Chamisa vakatadziswa nemapurisa kuenda kuBulawayp kunosangana nenhengo dzavo, uye nhengo dzavo dzakasungwa kuGweru mushure mekuungana.

VaMafume vanotiwo nhengo dzakarambidzwa nemapurisa kuungana muHighfields muHarare pamwe nekwaMutare kuti dziite zvirongwa zvebato radzo pamberi pesarudzo dziri kuuya idzi.

Bato reCCC rinotiwo nhengo dzaro mumaguta nemadhorobha akasiyanasiyana dziri kushungurudzwa nemapurisa nekuda kwekuti dzinenge dzakapfeka ruvara rwebato rwe yellow.

Nekune rumwe rutivi, mutungamiri weZanu PF vari mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kuita musangano uri kunzi neZanu PF uchange uri mukuru zvisati zvamboonekwa mumusha weEpworth zvisina dambudziko, izvo zviri kunzi nevanopikisa ava zviri kupa bato riri kutonga mukana uri kunyimwa vamwe.

Asi nhengo yevechidiki mubato reZanu PF muHarare, VaAlex Gakanje, vanoti havaoni paine chikonzero chingaita kuti mapurisa arambidze nhengo dzeCCC kuungana sezvo bato iri risipo.

Asi VaMafume vanoramba mashoko ekuti bato ravo harizivikanwe vachiti dai raisavepo dai raisazivikanwa dai risina kupinda musarudzo dzema by-election dziri kuuya idzi.

Ukuwo VaGakanje vanoti CCC inopomera mapurisa mhosva yekutadzisa nhengo dzayo kuungana kunyange hazvo ichinge yatadza kuita musangano nekuda kwekushaya vanhu.

VaGakanje vanoti chinotadzisa bato rinopikisa iri kuungana inyaya yekuti nhengo dzaro dzinotya mapurisa sezvo dzichigara dzakapara dzimhosva uyewo dzinosungwa nekuti dzinotuka mapurisa.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi sezvo takundikana kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi.

Hurukuro naVaJacob Mafume naVaAlex Gakanje
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG