Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China Kukadzi, 10, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Asi Gurkota rezvedzidzo rinoti vashandi vose vange vachiramwa mabasa vachambomiswa basa kwemaedzi mitatu pasina kutambiriswa mari.

Bazi reUnited Nations rinoona nezvehutano pasi rose reWorld Health Organization rinoti vanhu vanodarika zviuru mazana mashanu kana kuti 500 000 vakafa nechirwere cheCovid-19 kubva zvakawanikwa mhando itsva yechirwere ichi yeomicron muna Mbudzi gore rapera.

Vezvematongerwo enyika votatsurana pamusoro pekushandiswa kwemutemo unonzi uri kutarisa kuti munhu abuda mumba maani uchibvumidza bato riri kutonga reZanu PF kuita misangano yekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzema by-election muna Kurume, asi mapato anopikisa, zvikuru veCitizens Coalition for Change vachiti vari kurambidzwa kuungana vachisungwa.

Muchirongwa chatinotaura zviri kusangana nemadzimai muhupenyu hwavo kana kuti Women;s Round Table na 8pm nhasi tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu muzvikoro apo varairidzi vari kuramwa mabasa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG