Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votanga Kutsvaga Rutsigiro Asi VaChamisa Vachiti Vakasungwa Mbiradzakondo

VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiriri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vachaparura chirongwa chekutsvaga rutsigiro kune nhengo dzebato ravo musarudzo dzemaBy-Elections nemusi weMugovera kuEpworth.

Asi bato guru rinopikisa munyika, reCitizens Coalition for Change (CCC), rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa rinoti riri kuvhiringidzwa nemapurisa nevatsigiri veZanu-PF kuita misangano yaro.

Mutauriri weZanu PF, Chris Mutsvangwa, vaudza vatori venhau muHarare nhasi kuti VaMnangagwa vachaparura chirongwa chekutsvaga rutsigiro kuEpworth vachiti sarudzo dzemaby-election dzakakosha uye dzichave munongedzo wemafambiro achaita sarudzo dza2023.

VaMutsvangwa vati bato ravo richakunda mumaby-election uye uku ndiko kuchave kutanga kwebato reZanu PF kukunda mumadhorobha mukati memakore makumi maviri apfuura umo range riri kukundwa nebato reMDC.

Vati bato raVaChamisa kubva richiri kunnzi MDC Alliance rakawondonga maguta uye Zanu PF yave kugadzirisa izvi nekuita zvinhu zvakaita sekupa vanhu maTitle Deeds munzvimbo dzakavakwa zvisiri pamutemo mumaguta nemadhorobha.

Asi vaimbove meya wegura reHarare zvakare vari nhengo yeCitizens Convergence for Change, VaBen Manyenyeni, vaudza Studio 7 kuti havabvumirane naVaMutsvangwa kuti bato ravo rakauuraya maguta vachiti kunyange bato ravo raikunda musarudzo Zanu PF ndiyo inotonga mumaguta.

Vati semuenzaniso muHarare makanzura mazhinji akadzingwa basa uye hurumende inopindira mukufambiswa kwebasa muguta iri.

Vati bato ravo harinei nekuvakwa kunoitwa pese pese muguta vachiti izvi zviri kuitwa nenhengo dzeZanu PF.

Vati bato ravo richakunda zvine mutsindo sekukunda kwarakaita muna2018.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vakazvimirira, VaSydicks Muradzikwa, vaudza Studio 7 kutu havawoni Zanu PF ichikunda musarudzo dzemaby-elections.

Vatiwo zviri kuitika zvekuti Zanu PF ino bvumidzwa kuita musangano asi Citizens Coalition for Change ichirambidzwa zvinoratidza kuti hapana chati chashanduka pamafambisirwo esarudzo munyika.

Mutungamiriri weCCC, VaNelson Chamisa, vanotarisirwa kuparura hurongwa hwekutsvaga rutsigiro rwebato ravo kuBulawayo mukupera kwesvondo asi nhengo dzebato ravo dzinoti dziri kubvunzurudzwa nemapurisa pamusoro pehurongwa hwavo.

Mutauriri weCitizens Convegence for Change muBulawayo, VaSwithern Chirowodza, vaudza Studio 7 kuti mapurisa ari kuvarambidza kuita misangano yekutsvaga rutsigiro.

Asi vati zvisinei nezviri kuitika bato ravo richabudirira pahurongwa hwaro vachiti havangataure nyaya yavo paruzhinji.

‚Äč

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG