Mhuri yeZimbabwe iri muAmerica iri kurwisa nepose painogona kuti iunganidze mari yekuti ikwanise kuendesa kumusha mutumbi wechimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaRichard Ritchie Moyo, avo vakashaya musi wa 21 Ndira gore rino muBaltimore mudunhu reMaryland wava nemakore makumi mana nemana ekuberekwa.
Babamudiki vemufi, VaFrank Chatonda, avo vari mudunhu reSouth Carolina, vanoti VaMoyo vakangotanga kuzarirwa vachibva vashevedzerwa amburenzi asi vakazoshaya vasati vasvika kuchipatara.
Vanoti chido chavo semhuri ndechekuti mwana wavo anoradzikwa kumusha kuna Amai vake, asi mutoro wacho wakavaremera vari voga. Asi vanoti vanotenda nekubatana kwakaita vana veZimbabwe vari muno muAmerica, uko kwakaita kuti paumbwe homwe yemudeme mudeme yeGoFundMe, iyo vanoda kubatsira vari kuisa ruoko rwavo.
Vasati vave kugara muBaltimore, VaMoyo vakambogara muAtlanta mudunhu reGeorgia pamwe nekuNorth Carolina. Pari zvino mutumbi wavo uri kuimba yerunyararo yeJoseph H Brown Funeral Home muBaltimore.
VaChatonda vanoti vana veZimbabwe vari kuunganidza mari yekuti mutumbi uende kumusha vane tarisiro yekuunganidza mari inoita zviuru makumi maviri nezviviri zvemadhora (US$22 000.00) yekuti vakwanise kuita zvose, kusanganisira kutambirwa kwemutumbi neNyaradzo Funeral Home paunosvika kumusha.
Vanoda kubatsira nemari vanogona kuenda padandemutande reGoFundMe vachishandisa nzira iyi inoti https://gofund.me/dcf6851a.
Facebook Forum