Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu Kukadzi, 09, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupa tariro vave zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi matanhatu nevanomwe kana kuti 5, 3667.

Mutauriri webato reZanu-PF VaChris Mutsvangwa varamba mashoko ekuti mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaTafadzwa Mugwadi vadzingwa basa. VaMugwadi vaudzawo Studuo 7 kuti manyepo kuti vadzingwa basa.

Vashandi vehurumende votadza kuwirirana panyaya yemari yemuhuro yavakawedzerwa nezuro.

Mhuri yeZimbabwe iri muAmerica yorwisa nepose painogona kuti iunganidze mari yekuti ikwanise kuendesa kumusha mutumbi wechimwe chizvarwa cheZimbabwe, Mukoma Richard Ritchie Moyo, avo vakashaya musi wa 21 Ndira gore rino muBaltimore mudunhu reMaryland.

Muchirongwa chatinotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika CheDiaspora Forum na 8pm nhasi tiri kutaura nezvemamiriro akaita zvinhu kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kuSouth Africa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG