Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu, Zvita 22, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi nevana vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro.

United Nations yonyorera mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa tsamba ichinyunyuta nemutemo uri kuda kuvandudzwa une chekuita nemashandiro emasangano akazvimirira oga kana kuti Private Voluntary Organization Act Amendment Bill.

Zimbabwe yocherechedza zuva rekubatana pakati peZanu-PF neZapu mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachiti kutaurirana ndiko kunoshanda asi vanopikisa vachiti muromo hauzarirwe nerwizi.

Zanu-PF inonzi haisati yaisa runyoro rwayo pane zvakatenderanwa kuPOLAD pakuvandudza mitemo yesarudzo.

Muchirongwa chedu chatinotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kana kuti Diaspora Forum, tiri kutarisa nyaya yechirwere cheCovid-19 uye zviri kusangana nevari kunze kwenyika muhupenyu hwavo nezvavari kuita kusimudzira vamwe vari kumusha.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG