Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kukadzi 12, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, vanoti vachazivisa svondo rinouya nezvematanho emutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vanhu gumi nevasere vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, ozvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pachiuru nemazana matatu nemakumi masere nevaviri, kana kuti 1,382.

Mushonga wenhomba yeCovid-19 wotarisirwa kusvika munyika nemusi weMuvhuro uchibva kuChina nyanzvi munyaya dzehutano dzichikurudzira kuti nhomba iyi itange yaongororwa zviri pamutemo uye zvinotarisirwa nesainzi isati yapihwa veruzhinji munyika.

Mumiriri weNorton muNational Assembly, VaTemba Mliswa, vabvisiswa mari yechibatiso inoita zviuru makumi maviri zvemadhora emuZimbabwe kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Vaimbove nhengo yeZanu PF, VaJim Kunaka, vabvisiswawo mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo. VaKunaka vanga vapedza mazuva anodarika makumi mashanu vari mujeri zvichitevera kusungirwa nyaya yekukurudzira kuita mhirizhonga.

Hurumende inoti zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika mazana matatu zvichiri muhupoteri pamuzinda weDukwi Refugee Camp muBotswana hazvifanirwe kutya kudzoka kumusha nokuti hapana achazvimbunyikidza munezve matongerwo enyika. Asi vapoteri ava vanoti havasi kuzodzokera kuZimbabwe

Chikwata chemutambo wekiriketi yevanhukadzi muPakistan chadzokera kumusha zvechimbi chimbi nhasi zvichitevera kumbomiswa kwendege yeEmirates kupinda muZimbabwe kutanga mangwana

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa pamire kodzero dzevanhu panguva iyo nyika iri kurwisa chirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG