Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 16, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Huwandu hwevanhu vabatwa neCoronavirus muZimbabwe hunosvika pavanhu makumi maviri nevatatu, vafa vari vatatu, sekutaura kwakaita hurumende nezuro manheru.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti hurumende inofanirwa kubuda pachena pahurongwa hwayo hweLockdown, uye kugara yakazivisa pachine nguva, matanho ayichatora.
Vanhu vakawanda vochema chema nekukwira kuri kuita mitengo yezvinhu munguva yeLockdown.
Hofisi yemuchuchisi wenyika inopikisa mudare kuti vatori venhau havasi vamwe vevanhu vanonzi vakakosha zvikuru, kana kuti essential services, munguva ino yeLockdown.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muBotswana zvinoti zviri kushungurudzwa zvikuru nemapurisa emunyika iyi munguva yeLockdown, uye zvimwe zvichidzingwa munyika iyi kunyange pasina mhosva dzazvinenge zvapara.
Zimbabwe inopinda muzororo rekupemberera kuwana kuzvitonga, asi rwendo rwuno vanhu vachinzi vagare mudzimba dzavo senzira yekudzivirira Cornavirus.

Muchirongwa cheWomen's RoundTable na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeCoronavirus. (is this correct?? If not please correct)

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short W

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG