Accessibility links

Breaking News

POLITICAL PANEL


Vana veZimbabwe vakawanda vanoti vari kushuvira kuti dai munyika maitwa nhaurirano dzekutsvaga nzira dzekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika. Izvi ndizvowo zviri kukurudzirwa nevatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika pamwe nemapato avo, vachiti iyi ndiyo yega nzira inokwanisa kugadzirisa matambudziko ari munyika, anosanganisira ezvematongerwo enyika pamwe nezveupfumi. Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa kutanga kwemwedzi uno vakashevedzera musangano wekutanga wenhaurirano dzakadai, uyo wakapindwa nevemamwe mapato ezvematongerwo enyika, kunze kwebato guru rinopikisa reMDC nemutungamiri waro VaNelson Chamisa. Vemakereke vakashevedzerawo musangano wenhaurirano asi mutungamiri wenyika VaMnangagwa havana kupinda musangano uyu, kunyange hazvo VaChamisa vakapindawo rwendo rwuno. Asi vakawanda vanoti neimwe nzira VaMnangagwa vakapinda musangano uyu sezvo vakanga vakamirirwa nasachigaro webato ravo, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri pamwe nevamwe vakuru mubato ravo reZanu PF. VaMnangagwa vanonzi vashevedza zvakare mapato ose akapinda mumusangano wekutanga kune dzimwe nhaurirano dzechipiri mangwana, idzo diznonzi dziri kuitirwa zvakare kumuzinda wavo weState House. Kunyange hazvo mamwe mapato audza Studio 7 kuti achaenda kumusangano uyu, MDC inotungamirirwa naVaChamisa inoti zvakare haisi kuenda kumusangano uyu. Izvi zvave kuita kuti vana veZimbabwe vabvunzane kuti saka matambudziko ari munyika anogadziriswa sei kana paita kudhonzerana kwakadai? Mukuzeya nezvenyaya iyi, tabata munyori mukuru weMDC, VaDouglas Mwonzora, pamwe nenhengo yeCentral Committee ye Zanu PF VaJoseph Tshuma. Tatanga nekubvunza vaMwonzora kuti sei vasiri kuenda kumusangano uyu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG