Accessibility links

Breaking News

VaBiti Voramba Kuti Vari Kunetsana naVaChamisa muMDC Alliance


VaTendai Biti

Bato rinopikisa rePeople’es Democratic Party kana kuti PDP rinotungamirwa naVatendai Biti raramba mashoko ari kutenderera ekuti riri kunetsana nebato reMDC-T mumubatanidzwa wavo weMDC Alliance.

Tsamba iri kutenderera yange ichiti PDP haisi kufara kuti MDC-T iri kutora zvigaro zvayainge yagoverwa ichipa semuenzaniso kuHurungwe West uko VaWilson Makanyaire vanonzi vakatora nzvimbo yainge yasiirwa VaSeverion Chambati vePDP.

Mutsamba iyi PDP inonzi iri kuti inogona kubuda mumubatanidzwa uyu. Asi mutauriri wePDP VaJacob Mafume vanoti tsamba iyi ndeyemanyepo sezvo vari kudyidzana zvakanaka mumubatanidzwa wavo neMDC-T.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG