Vanhu vakawanda mudunhu reMashonaland West varumbidza mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nekudzinga basa kwavakaita gurukota rezvedunhu iri VaWebster Shamu.
Vazhinji vataura neStudio 7 vanofara nekudzingwa kwaVaShamu vachiti munhu ane hudyire, anoparadzanisa vanhu uye ane hutsinye.
Imwe nhengo yevechidiki yeZanu PF VaTafadzwa Njere vanoti VaShamu munhu aive nehudyire sezvo akavadzinga pamunda pavaive vapihwa nehurumende vachipa mumwe muchena.
Mumwe mugari wemuChinhoyi VaClemency Pashapa vapomera vaShamhu mhosva yekuvharisa imwe nzvimbo inotengeserwa mafuta ekufambisa dzimotokari nekuti painge pafira mumwe mukuru wevasori mutsaona yemotokari inotakura zvinorema yainge ichibva panzvimbo iyi.
Mutauriri webato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa muMashonaland West VaBlessing Mandava vanoti vanofara nekudzingwa basa kwaVaShamu sezvo vaiparadzanisa vanhu vezvematongerwo enyika.
VaMandava vanoti bato ravo mudunhu rainge rave kutonyorera kumukuru webato ravo VaChamisa kuti vataure nemukuru wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vadzinge VaShamu basa sezvo vaishoropodza mamwe mapato muzviitiko zvehurumende zvinobatanidza vanhu vose.
VaTafadzwa avo vave kuita basa rechihwindi mushure mekunge vadzingwa papurazi pavaive vanoti VaShamu vaidana mapurisa kuti vatore motokari dzinotakura vanhu pedyo nemahofisi avo vachiti vari kuvaitira mheremhere.
VaShamu havana kumbobvira vagamuchirwa nenhengo dzebato reZanu PF inotungamirwa naVaMnanangwa muMashonaland West vachinzi vaitsigira chikwata cheG40.
Kusawirirana kwenhengo dzeZanu PF naVaShamu kwakanyanya kuipa apo mukuru wevechidiki muMashonaland West VaVengai Musengi avo vanozivikanwa kuti vanotsigira VaMnangagwa vakasungwa vakamiswa pamberi pedare muChegutu.
Nhengo dzebato reZanu PF dzinofungidzira kuti VaShamu vane chekuita nenyaya iyi. Rimwe gweta guru rehurumende risina kuda kudomwa nezita rinoti zvekudzingwa basa hazvishamise sezvo munhu anogadzwa nemukuru wenyika anoshanda kufadza mukuru wenyika uye anogona kungodzingwa kana mukuru wenyika awona kuti anenge ave kutadza basa.
Vamwe vataura neStudio 7 vati havo VaShamu vaibatsira vanhu mudunhu ravo zvaipa kuti varambe vachivhoterwa musarudzo. Hatina kukwanisa kubata VaShamu kuti tinzwe divi ravo panyaya dzavari kupomerwa sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.
Asi gweta iri rinoti harione mukuru wenyika achidoma rimwe gurukota sezvo pasara nguva diki kuti paramende imiswe basa nyika ichienda kusarudzo.
Facebook Forum