Accessibility links

Breaking News

VeMDC-T neZanu-PF Votatarika Kuita Sarudzo dzemaPrimary Zvoshorwa neVakawanda


Vanoongorora zvematongerwo enyika pamwe neveruzhinji vanoti kunyunyuta kuri kuita vatsigiri vemapato makuru munyika eZanu PF neMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa pamasarudzirwo ari kuitwa vachamirira mapato aya musarudzo kunoratidza kuti mapato aya haasi kuita zvinhu pajekerere.

Bato riri kutonga reZanu PF rakaita sarudzo dzemaprimary svondo rapfuura idzo dzakasiya vazhinji mubato iri vasina mufaro.

Sarudzo idzi dziri kuitwa zvekare mune mamatunhu umo dzisina kufamba zvakanaka.

MDC T yaChamisa iri kuita chirongwa chekuti vanoda kumirira bato iri vataurirane uye muHarare veruzhinji vakaramba izvi pamisangano yakaita mhirizhonga, nekupopotedzana.

Sezvaitika muZanu PF vamwe vanoti mazita avo akabviswa pavanhu vachakwikwidza zvisina tsananguro asi vakuru vebato iri vanoti vari kutevedza gwara resarudzo ravakabvumirana.

Mumwe mugari wemuHarare, Tafadzwa Shumba, audza Studio 7 kuti zviri kuitika mumapato makuru aya zvinoratidza kuti mapato aya haasarudze vatungamiriri vawo pajekerere.

Izvi zvatsinhirwa naVaOwen Dhliwayo avo vati matambudziko aya ari kukonzerwa nevakuru vakuru mumapato aya avo vari kusima vanhu vavanoda munzvimbo dzakasiyana siyana.

Vanoti semaonero avo izvi zvinogona kukanganisa mapato aya musarudzo.

Mutungamiriri webato rinopikisa reDemocratic Party, Dr Wurayayi Zembe, uye risiri kukwikwidza musarudzo dzegore rino, vaudza Studio7 kuti hapana zvinoshamisa pane zviri kuitika mumapato maviri aya nekuti haana tsika yekudoma vanoamirira pajekekere.

Zanu PF yave mutungamiriri mutsva zvichitevera kubviswa pachigaro kwevaive mutungamiriri webato iri, VaRobert Mugabe, gore rapfuura.

MDC T yavewo nemutungamiri mutsva zvichitevera kufa kwevaive mutungamiriri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, muna Kukadzi gore rino.

Mukuru wePlatform For Youth Development, VaClaris Madhuku, vanoti kunetsana kuri kuitika mumapato maviri aya kunogona kupinda musarudzo dzemunyika.

Vati zvinosuwisa kuti zviri kuitika muZanu PF ndizvo zvave kuitika muMDC-T.

Vanoongorora zvematongwero enyika vakazvimirira, VaVivid Gwede, vaudza Studio7 kuti zviri kuitika muZanu PF neMDC-T zvinoratidza pachena kuti nyika ichiri kumashure panyaya dzekuita sarudzo dzakachena.

Vamwe vakakundwa musarudzo dzeprimary dzeZanu PF vakatozivisa kuti vachakwikwidza musarudzo dzenyika vakazvimirira.

MuMDC-T mune vamwe vasiri kufara nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu uye vari kumirira bato iri kuHarare West, Muzvare Jessie Majome, vazivisa nhasi kuti vachakwikwidzqa vakazvimirira sezvo vari kupokana nezviri kuitika mubato ravo.

VaMadhuku vatiwo veruzhinji havafaniri kungovhotera munhu nekuti ndewe bato ripi uye vanofanira kuvhotera vanhu vanokwanisa kuvamirira kunyange vasina mapato vaanomirira.

Zvichakadai veZimbabwe Electoral Commission nhasi vazivisa nzvimbo dzekuti veruzhinji vaenda kunoongorora mazita avo mugwaro revavhoti kana kuti Voters Roll mumatunhu ose munyika kutanga musi wa 19 mwedzi uno.

ZEC yazivisawo kuti vanhu vachange vachikwanisawo kuita izvi pambozhanhare dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG