Accessibility links

Breaking News

Sarudzo dzePrimary dzeMDC-T Dzoita Mutauro


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Nhengo dzeMDC dzirik uda kumirira bato rinopikisa reMDC-T musarudzo dzegore rino dzatadza kuwirirana muHarare pamisangano yekuti dzitaurirane kuti ndiani anomirira bato iri uye dzave kuzoenda kusarudzo dzemaprimary musi wa19 mwedzi uno usati wasvika.

Idzo inhengo dzeMDC-T dzange dziri kutsutsumwa nemafambisirwe ange ari kuitwa zvinhu pamusangano wemusi weSvondo.

Pakaitika mhirizhonga mune mamwe maconstituency muHarare akaita seMabvuku Tafara uye musangano wainge uchifanira kuitwa munzvimbo iyi wakatozoitirwa kumuzinda webato iri mukati meguta.

KuMufakose vatsigiri vebato iri havana kufara nenyaya yekuti vamwe vanhu vainge vanzi vanokodzera kumiririra bato iri vange vasipo pamazita evanhu vanzi vataurirane.

Vainge vachitungamirira nhaurirano muMufakose, Amai Bascillia Majaya, vakazivisa kuti nhaurirano hadzina zvadzakaburitsa.

Nzvimbo iri yakanzi nebato iri ndeyemadzimai asi izvi hazvina kufadza vamwe vakaita saVaTinashe Gahadza vanoti bato rinofanira kuterera zvido zvevanhu.

Mumwewo asina kuda kudomwa nezita audza Studio 7 kuti haasi kufara nekuti pane vanhu vakawanda vainge vachifanira kukwikwidza vasina kudeedzwa pamusangano.

Amai Sabina Tiribhoyi avo vari kukwikwidzana naAmai Susan Matsunga vaudza Studio 7 kuti kutaurirana kwakona uye vamirira sarudzo dzeprimary. Sachigaro veMDC-T VaMorgan Komichi vanoti misangano yekutaurirana iyi inoshanda chose uye kune mamwe matunhu akaita seMatabeleland North neMidlands neMashonaland West vanhu vaitobvumirana kupanana mikana.

VaKomichi vati vane zvichemo vakasununguka kuzvikwidza kubato asi vati bato harisi kuzodzokera kumashure zvikuru sei panyaya yekuti pane mamwe maconstituency akapihwa vakadzi nevechidiki.

VaKomichi vanoti misangano yekutaurirana iri kuitwa muHarare neChitungwiza uye vachapedzesera kuManicaland.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG