Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe neRussia Dzinosainirana Zvibvumirano Mune zveMaindasitiri neKurima


Gurukota rezvekunze kweRussia VaSergei Lavrov, nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa muHarare.
Gurukota rezvekunze kweRussia VaSergei Lavrov, nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa muHarare.

Zimbabwe neRussia dzasainirana zvibvumirano zvitatu zvichasimbisa hukama pakati penyika mbiri idzi munyaya dzemaindasitiri nemabasa ekurima.

Vachitaura mushure mekusainirana zvibvumirano izvi, gurukota rinoona nezvekunze kweRussia, VaSergey Lavrov, vati kunze kwezvibvumirano izvi vasangana nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemakurukota ehurumende apo vataura nezvenyaya yekuti chirongwa chekuchera Platinum kuDarwandale chichitanga.

Chirongwa ichi chinokosha mabhiriyoni matatu emadhora chiri kuitwa nekambani, Great Dyke Investments, iyo inove mubatanidzwa wehurumende yeZimbabwe neimwe kambani yekuRussia.

Chimwe chibvumirano chasainwa chakanangana nekuvhurwa kweSpecial Economic Zone iyo ichange ichishandiswa nemakambani ekuRussia kuDarwandale.

VaLavrov vatiwo vataura nyaya dzekudyidzana munyaya dzekutengeserana zvombo pamwe nekusimbisa hushamwari pakati peRussia neSADC pamwe ne AU.

Panyaya yegurukota rezvekunze kweAmerica, VaRex Tillerson, avo vari kushanyawo kuAfrica, VaLavrov vati harisi basa reAmerica kuudza nyika dzemuAfrica zvekuita.

Gurukota rinoona nezvekunze pamwe nekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vati Zimbabwe pamwe nenyika dzemuAfrica dzakasununguka kusarudza vadzinoda kutamba navo.

Chipangamazano chemutungamiri wenyika, VaChris Mutsvangwa, vaudza Studio7 kuti zvinodadisa kuona nyika yakabudirira seRussia ichidyidzana neZimbabwe.

VaMutsvangwa vati chibvuramo chekusimudzira mabasa ekurima chine chinangwa chekuti varimi vemuno vatengese zvirimwa zvavo kuRussia.

Vati zvibvumirano zvasainwa izvi zvichawanisa vana vemuZimbabwe mabasa pamwe nekusimudzira maindasitiri enyika ino.

VaLavrov, avo vasimuka vakananga kuEthiopia, vakasvika munyika neChitatu manheru vachibva kuMozambique mushure mekunge vashanyira Angola neNamibia.

Zimbabwe neRussia dzine hushamwari hwakatanga kare mumazuva ehondo yerusununguko uye inyika yakaramba ichimira neZimbabwe kunyange apo yainge yakatemerwa zvirango zvehupfumi nenyika dzekumawirira.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG