Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuZaka Central Vari Kuramba Kuburitsa ma Registration Slip Vonyimwa Chikafu cheHurumende?


Vari kuramba kuburitsa magwaro anoratidza kuti vanyoresa kuvhota vanonzi vari kunyimwa chikafu chehurumende

Vagari vemuZaka Central Constituency vari kuramba kusvitsa magwaro anoratidza kuti vakanyoresa kuvhota kana kuti ma voter registration slips kumasabhuku kana masachigaro ebato reZanu PF munzvimbo iyi, vanoti vave kunyimwa chikafu, mbeu kana fotereza nezvimwe, izvo vanofanira kupihwa pachena pasi pezvirongwa zvekubatsira vanhu zvinoitwa nehurumende.

Kunyange hazvo komisheni inoona nezvesarudzo pamwe negurukota rinoona nezvemutemo neparamende, VaZiyambi Ziyambi, vachiti hazvisi pamutemo kuti masabhuku kana bato ripi zvaro rinyore pasi ma serial numbers emagwaro anoratidza kuti munhu akanyoresa kuvhota, kana kuti registration slips, masabhuku nemasachigaro eZanu PF muZaka Central anonzi ari kuramba akaomesa musoro uye anonzi ave kutoti wese anoda kutambira chikafa, mbeu kana fotereza pazvirongwa zvehurumende anofanira kuuya ne registration slip yake.

Vanoramba kupa masabhuku kana masachigaro eZanu PF magwaro aya vanonzi vave kunyimwa chikafu kana zvekurimisa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemusangano mubato guru rino pikisa reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai muZaka Central, VaFarai Gwenhure, vaudza Studio 7 kuti nemusi weChitatu chapfuura chaiwo vanhu vakaramba kupa masabhuku ma registration slips avo, zvikuru sei nehngo dzebato ravo, vakanyimwa mupunga waipihwa vanhu munzvimbo iyi.

Vanoti vakaudzwa nevaigova mupunga uyu kuti mumiriri wenzvimbo iyi muNational Assembly, VaParadzai Chakona, ndivo vapa chiga chekuti wese anenge asina kuburitsa registration slip haafaniri kutambira mupunga kana chii zvacho chinopihwa nehurumende.

Asi VaChakona vaudza Studio 7 kuti zvese izvi zviri kutaurwa manyepo uye vati vemapato anopikisa vanotya kukundwa musarudzo ndosaka vari kutaura manyepo.

VaChakona vanoti vatori venhau vakasununguka kupinda muzvirongwa zvavo kuti vazvinzwire vega.

Vanotiwo mukupera kwesvondo rino vachange vachipa vanhu mupunga nekuita zvimwe zvirongwa muWard 15 mu constituency mavo.

Kanzura wemu Ward 19, iyo iri muZaka Central, VaPeter Imbayarwo, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vanhu vange vari kunyoresa kuvhota zvakanaka zvave kuitwa neZanu PF kwave kutyisidzira vanhu.

Vati sarudzo dzinokwanisa kufamba zvakana chete kana zvekutyisidzirana izvi zvakaregerwa.

Mumashoko avakaburitsa mukupera kwesvondo, sachigaro mutsva weZimbabwe Electoral Commission, Justice Priscilla Chigumba, vakayambira mapato ezvematongerwo enyika kuti atevedze mutemo nekurega nyaya dzemhirizhonga pamwe nekutyisidzirana.

Vakatiwo nyaya idzi dzinofanira kumhan’rwawo kune mamwe mapazi anoona nezvesarudzo akaita semapurisa neZimbabwe Human Rights Commission kuti dziongororwe.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG