Accessibility links

Breaking News

Mubatanidzwa weMDC Alliance Unoita Mumwe Musangano muChitungwiza


Vatungamiri vemapato ari muMDC Alliance. (Mufananidzo: MDC)
Vatungamiri vemapato ari muMDC Alliance. (Mufananidzo: MDC)

Mubanatanidzwa weMDC Alliance, waita musangano mukuru kuChitungwiza, uko azivisa kuti haasi kuzobvuma kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iite sarudzo nguva yadzo isati yasvika sezvakatarwa mubumbiro remutemo wenyika.

Mubatanidzwa uyu watiwo mitemo yesarudzo nekuburitswa kwemashoko inofanira kvandudzwa sarudzo idzi dzisati dzaitwa.

Vachitaura vakamirira mutungamiriri weMDC Alliance vanove zvakare mutungumiriri we MDC T, VaMorgan Tsvangirai, mumwe wevatevedzeri waVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vati havasi kuzobvuma kuti sarudzo dziitwe nguva yakatarwa mubumbiro isati yasvika kana kuti kudarika.

VaChamisa vaudzwa zviuru nezviuru zvevanhu zvapinda mumusangano wanhasi uyu kuti havasi kuzobvuma kudyiwa vakasvinura samatemba musarudzo neZanu PF rwendo runo vachiti vanoda kuti mutemo wesarudzo uvandudzwe.Mumashoko avo kuDavos VaMangangwa vakati sarudzo dzinogona kuitwa nekukasika.

VaChamisa vakurudzira vanhu vese munyika kuti vanyorese kuvhota vachiti sarudzo dzegore rino ndidzo dzekubvisa Zanu PF pachigaro.

Mutungamiriri weMDC, Professor Welshan Ncube, vatiwo kunyange hazvo VaTsvangirai vasiri kupinda mumisangano iyi, vakavapa mvumo yekuita misangano iyi mumatunhu ese munyika vachikurudzira veruzhinji kuti vashande vari muAlliance iyi.

VaNcube vati kunyange hazvo Zanu PF yakasandura hutungamiriri hwayo apo yakatandanisa VaRobert Mugabe gore rapera, hapana chati chachinja mubato iri.

Mutungamiriri wePeople’s Democractric Party, VaTendai Biti, vati Alliance ine hurongwa hwekusimudzira magariro evanhu nekugadzirisa hupfumi hwenyika, uye inokwanisa kuita izvi nekuti ine shamwari dzekunze dzakawanda.Vamwe vatungamiriri vemapato manomwe ari muMDC Alliance vanosanganisira VaJacob Ngarivhume veTranform Zimbabwe naVaAgrippa Mutamba veZim People First, vatsangangura kukosha kwekushanda pamwe chete muAlliance.

VaChamisa naVaNcube vati kunyange hazvo pakasave nekuwirirana vanhu vanofanira kushanda pamwechete muAlliance kuti vakwanise kuita chinangwa chavakaumbira bato reMDC muna 1999.

Mumubatanidzwa uyu mune makakatanwa zvekutoti vanhu vari mumubatanidzwa pamwe nemapato acho vave kupikikisana pachena uye vamwe havasi kutopinda mumisangano yacho.

Pamusangano wanhasi paita makatanwa ekuti ndiyani otaura pakati pevatevedzeri vaVaTsvangirai vange varipo vanoti VaChamisa naVaElias Mudzuri, uye VaChamisa ndivo vazotaura VaMudzuri vakabva vasina kutaura.

Mutauriri weAlliance, VaWelshman Ncube, vati zvaitika nhasi pamberi pemhomho yavanhu hazvina kunaka, uye vachagdzirisa nyaya iyi nebato reMDC-T kuti zvisaitike zvekare.

VaMudzuri ndivo vakafanobata chigaro chaVaTsvangirai asi ivo VaTsvangirai vakadoma VaChamisa kuti vavamirire mumisangano yeAlliance.

Mumwe wevatevedzeri vatatu waVaTsvangirai, Muzvare Thokozani Khupe, havasi kutomboenda kumisangano yeAlliance iyi.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG