Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Votarisirwa Kutaura neChina kuDavos


Musangno weWorld Economic Forum, kuDavos, Switzerland
Musangno weWorld Economic Forum, kuDavos, Switzerland

Musangano wezveupfumi weWorld Economic Forum, WEF, wepagore watanga neChipiri muDavos, kuSwitzerland, mutungamiri wehurumende yeIndia, VaNerandra Modi, vachiparura musangano uyu.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangawa, vakasvikawo kumusangano uyu neMuvhuro, uye vanonzi nebepanhau reHerald vari kutarisira kuita misangano inosvika makumi matanhatu nevatungamiri vedzimwe nyika, pamwe nevemabhizimusi vakasiyanasiyana.

VaMnangagwa vanonzi vanotarisirwa kusvitsawo kumusangano uyu mamiriro ehurongwa hwehurumende yavo panyaya dzekumutsiridza hupfumi hwenyika.

Musangano uyu unopindwa nevatungamiri venyika pamwe nedzihurumende, vezvemabhizimusi, pamwe nemasangano akazvimirira.

Bepanhau reThe Herald rinoti VaMnangagwa vakasimuka nechikwata chakasimba chinosanganisira makurukota ehurumende, vakuru-vakuru muhurumende, pamwe nevemakambani akazvimirira.

Musangano uyu unonzi ndewekutanga waVaMnangagwa kunze kweAfrica kubva pavakatora mhiko yekuve mutungamiri wenyika musi wa 24 Mbudzi gore rapera.

VaMnangagwa vanonzi vari kutarisirwawo kuita misangano nevatungmiri vedzimwe nyika pamwe nevemabhizimusi, uye vachataura pamusangano uyu nemusi weChina.

Chikwata chaVaMnangagwa chinonzi chinosanganisira gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika Lt-Gen (Rtd) Sibusiso Moyo, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, gurukota rezvemaindasitiri, Doctor Mike Bimha, chipangamazano muhofisi yaVaMnangagwa, VaChris Mutsvangwa, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba, uye gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya.

Gurukota rezvemigodhi, VaWinston Chitando, ndemumwe wemakurukota akaperekedza VaMnangagwa.

Mukuru weZimbabwe Investment Authority, VaRichard Mbaiwa, ndemumwe wevemabhizimusi vakatungamira kuenda kumusangano uyu kunoyedza kukwezva vekunze kuti vatange mabhizimisi muZimbabwe.

Dingindirira remusangano uyu gore rino, uyo unove wechimakumi mana nesere, rinoti Creating a Shared Future in a Fractured World.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, vachishanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti Zimbabwe inofanirwa kusimbisa kumusangano uyu kuti ichabata sei nyaya dzesarudzo kana ichida kuti ikwezve vekunze.

VaMavhinga vanotiwo sangano ravo rakakumbirawo kuti riwaniswe mukana wekusangana naVaMnangagwa kumusangano uyu, vachiti kana zvikaramba vachatarisira kusangana navo kumusha kuti vazeye nyaya dzekodzero dzevanhu munyika.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG