Accessibility links

Breaking News

Mapato eMDC Ari Maviri Anoti Nhengo Dzavo Dzichabatana neZanu PF muParamende


Mukuru wemauto, VaConstantino Guveya Chiwenga nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
Mukuru wemauto, VaConstantino Guveya Chiwenga nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Mapato anopikisa eMovement for Democratic Change inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai neinotungamirirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube anoti nhengo dzawo mudare reparamende nhasi masikati dzichatsigira hurongwa hwekubvisa, VaRobert Mugabe, pachishandiswa paramende kana kuti Impeachment.

Mutevedzeri wasachigaro weMDC inotungamirirwa, naVaMorgan Tsvangirai zvakare vari Seneta,VaMorgan Komichi, vaudza Studio 7 mushure memusangano wenhengo dzeparamende dzebato iri muHarare kuti bato ravo rinotsigira hwurongwa hwese hunoita kuti VaMugabe vabve pachigaro.

VaKomichi vati nhengo dzavo dzese dzeparamende makumi manomwe nenhatu dzichatsigira chirongwa chekubvisa VaMugabe muparamende nhasi.

Vati musangano wavari kuita pari zvino ndiwe kungozeya kuti chirongwa ichi chichafambiswa sei.

Imwe nhengo yeMDC-T iri muNational Assembly VaPrince Dubeko Sibanda, vanotiwo vanofara kutsigira chirongwa ichi.

Dzimba dzese dzeparamende idzo dzange dziri pazororo remasvondo maviri, dzinotanga basa nenguva dza quarter past 2 masikati ano apo dzinotarisirwa kutanga chirongwa chekubvisa VaMugabe.

Zvichakadai mutauriri weMDC inotungamirirwa naProfessor Welshman Ncube, VaKurauone Chihwayi vaudza Studio 7 kuti nhengo dzebato ravo nhatu dziri muNational Assembly neSeneti dzichatsigirawo hurongwa hwekubvisa VaMugabe pachigaro uhwu.

Mukuru weMedia Centre VaErnest vanoti kunze kwe Impeachment vanhu vanofanira kunyoresa kuvhota uye nyika iite sarudzo dzakachena kuti matambudziko eZimbabwe apere zvachose.

Nhengo dzeparamende dzeZanu PF nezuro dzakaita chisungo chekudzinga VaMugabe pachishandiswa paramende.

Kunze kwdanho riri kutorwa neparamende, VaMudzengi vanoti veruzhinji vari kuratidzira mumigwagwa nekumba kwaVaMugabe vachiti ngavasiye basa.

Izvi zvinotevera danho rakatorwa nemauto svondo rapfuura rekugadzirisa zviri kunetsa mubato riri kutonga reZanu PF.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG