Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti Vanogona Kusungisa Vanova Pumha Huroyi paNyaya yaVaMnangagwa


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe vakati vanogona kusungisa vanhu vavanoti vari kuvapumha huroyi, vachikurudzira vatsigiri vebato ravo reZanu PF kuti vabatane vasiye tsika yekurwira masimba. VaMugabe vakataura mashoko aya nemusi weChishanu pamusangano wavakaita kuGweru nevatsigiri vavo.

Kunyange hazvo paive nekufara nekutamba, kune vakawanda vakange vari pamusangano pakati paVaMugabe neveboka rechidiki rebato reZanu PF kuGweru, zvange zviri pachena kuti makakatanwa ari mubato iri ari kuenderera mberi.

Seshiri yagara ine muririro wayo pavataura pamusangano uyu, VaMugabe vakambotora nguva yavo vachipa nhoroondo yehondo yerusununguko vakataurawo nezvekusungwa kwavo nekugara kwavo mumajeri eWhawha pamwe neKwekwe panguva yehondo.

Vakati zvakakosha kuti vechidiki vagare vachiziva nhoroondo yakadai kuti vasarasike gwara rekuchengetedza kuzvitonga kuzere.

VaMugabe vakatorawo nguva yakareba kutsanangura nezvekurwara kwemutevedzeri wavo, VaEmmerson Mnangagwa, vakati chiremba waVaMnangagwa akavatsanangurira zvizere vakatiwo VaMnangagwa vaive vasina kupiwa muchetura sezvakataurwa nevakawanda mushure mekurwara kwavo.

VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

VaMugabe vakati zvinovarwadza kuti pane vanhu vakavapumha huroyi mushure mekurwara kwaVaMnangagwa vakati vanhu vakadaro vanogona kusungwa pasi pemutemo unorambidza kupumha vamwe huroyi.

VaMugabe vatiwo vakagara pasi nachiremba waVaMnangagwa vachizeya nezvehurwere hwavo.

Kunyangwe hazvo zvizvarwa zveZimbabwe zvinofungidzirwa kuti zvinodarika mamiriyoni matatu zviri muSouth Africa, VaMugabe vakadzokorora zvekare kushora vaimbova mutungamiri wenyika iyi, muchakabvu Nelson Mandela vachiti vakasiya hupfumi huri mumaoko evachena vatema vasina chouviri.

Amai Grace Mugabe, avo vakataura VaMugabe vasati vataura, vakati kunyange hazvo vakuru vakuru veZanu PF mudunhu reMidlands vachiramba kuti mune makakatanwa ekurwira masimba ivo havagutsikane nekuti vanoziva kuti vamwe vevanhu vari kuvanyomba ivo pamwe naVaMugabe vanobva mudunhu iri.

Vakati VaMugabe kuve mutungamiri wenyika uye vave kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nemana kuda kwaMwari saka vanhu vanofanirwa kuzvitambira.

Amai Mugabe vakaratidzawo kusafara nevanhu vavati vari kufamba vachiti VaMnangagwa vakapihwa muchetura.

Pavakapiwa mukana wekunzi vaite slogan pasati patanga zvekutaurwa, VaMnangagwa, avo vanonzi ndivo mukuru wechimwe chezvikwata zviviri zviri kurwira masimba muZanu PF, vakatambirwa neruzha rukurusa rwemhururu nemiridzo.

Mukuru weboka revechidiki mubato reZanu PF, vaKudzai Chipanga, vakatsinhirawo nyaya yekuti VaMugabe ndiye chete mutungamiri weZanu PF uye vakatiwo avo vose vanorwira kuti vade kutonga pari zvino vari kutambisa nguva yavo.

VaChipanga vakaturawo zvichemo zvakavati zviri kubva kune vechidiki munyika kusanganisira nyaya yekuti hurumende idzorere chirongwa chekubatsira vadzidzi nemari uye kupawo vechidiki minda.

VaMugabe vakavimbisa kuti vachagara pasi nevamwe vatungamiri vabato reZanu PF vari muboka rePolitburo voona kuti vogadzirisa sei zvichemo izvi.

Vamwe vechidiki vakataura neStudio 7 vakati vakafara zvikuru kunzwa VaMugabe vachitaura uye vachivimbisa kugadzirisa zvichemo zvavo.

Vechidiki veZanu PF vari kuita misangano nemutungamiri wenyika mumatunhu akasiyana-siyana uye musangano wavakaita muGweru wange uri wechinomwe.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG