Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuAmerica Vogadzirira kuPemberera Zororo reThanksgiving


Magarukuni anonyanyodyiwa pazororo reThanksgiving muAmerica.
Magarukuni anonyanyodyiwa pazororo reThanksgiving muAmerica.

Nemusi weChina vagari vemunyika yeAmerica vanenge vachi pemberera zuva rekupa matendo kana kuti Thanksgiving, apo vanenge vachitenda kumusiki nemadzitateguru avo neupenyu, goho rakanaka pamwe nezvavanoshuvira mugore rinouya.

Zuva iri izuva rakakosha zvikuru kuzvizvarwa zvenyika iyi, pamwewo nezvizvarwa zvekune dzimwe nyika, kusanganisira zvekuZimbabwe zviri muAmerica, sezvo pachidyiwa nekunwiwa zvakanyanya.

Zuva iri rinonzi rakatanga kucherechedzwa karekare kwazvo pachitendwa negoho pamwe nehupenyu pachiurayiwa gurukuni. Tsika iyi inonzi yakabva yangonamira kusvika nhasi, mhuri dzichingotambidzana.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, Reverend Ever Mudambanuki veUnited Methodist Church, avo vari muAmerica vanotiwo vanhu vanopemberera Thanksgiving nerufaro rwekutenda kuti vasvitswa muzuva rekupa matendo iri.

“Saka tinoipembererawo sekuva pamwechete nemhuri nehama neshamwari tichi kurukura nekudya pamwechete, nekupa matendo pane zvinhuzvo Mwari anotiitira nezvaakatiitra mugore rino iri.”

Reverend Mudambanuki vanoti ivo vashanyawo kuCalifornia uko vachadyirawo zororo iri vari.

Hurukuro naReverend Ever Mudambanuki
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG