Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro, Kurume 07, 2016


Ini ndini Marvellous Mhlanga-Nyahuye ndichiti heyino misoro yenhau dzanhasi Muvhuro,– Kurume 07, 2016

Mhuri yekwaDzamara yokwirira mapurisa matare zvichitevera danho remapurisa rekuti hurongwa hwemusi weChitatu hwekucherechedza kusvitsa gore kwaVaItai Dzamara vapambwa ndokutsakatika, hunogona kuvhiringa kodzero dzevamwe vanhu, nokudaro haufanirwe kuitwa.

Kurwisana koramba kuchienderera mberi muZanu PF zvichitevera kudzingwa kwegurukota revakarwira rusununguko, VaChris Mutsvangwa.

Vanhukadzi vokurudzira hurumende kubatsira mukurapwa kwechirwere chegomarara chanetsa munyika.

VaPeter Dube veHighlanders vanokunda VaKenny Mubayiwa musarudzo yasachigaro we Premier Soccer League.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm, tiri kutarisa mhirizhonga yezvematongerwo enyika iri kuitika munyika.

Kana muchida kutumira mashoko, kana zvamunofunga muchishandisa whats app, nhamba dzedu dzinoti + 1 202 465 0318

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860 ne 15460 kilohertzs pa shortwave kana paFacebook page yedu yeVOAShona.

Misoro yeNhau Dzanhasi Kurume 7, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG