Accessibility links

Breaking News

VaMatinenga Vachanyatsonyora Mubhuku Ravo Zvinhu Zvaita Kuti Vabude Mune Zvematongerwe Enyika


VaMatinenga vati vachanyatsonyora mubhuku ravo zvinhu zvese zvaita kuti vabude mune zvematongerwe enyika. Vati panezve nyaya dzekusiyirana masimba mumapato ezvematongerwer enyika zvinoda kugadziriswa.

Gurukukota rezvemabasa ebumbiro remitemo pamwe neparamende, Va Eric Matinenga, vanova nhengo ye MDC inotungamirwa navaMorgan Tsvangirai, vanoti vava kusiya nyaya dzezvematongerwe enyika kuitira kuti vaite basa ravo rehugweta mushure mekuona kurwisana kwevanhu mubato ravo uye nyaya yevazhinji yekuda kuzvipfumisa nekuda masimba zvakanyanya.

Va Matinenga vakataura izvi ku bepanhau re Zimbabwe Independent vachipa nhoroondo yebasa ravo uye musangano wavo weMDC.

Va Matinenga, avo vachiri kumirira Buhera West mudare reparamende, vanoti pavakapinda mune zvematongerwe enyika vaifunga kuti vazhinji vaida kusimudzira Zimbabwe, asi handizvo zvavakazoona nekurwisana kwevakuru mubato ravo.

Vanotizve vakakatyamadzwa nemhirizhonga yakaitika kumusangano we MDC we congress ku Bulawayo gore rino zvinova zvaitazve kuti vachinje pfungwa dzavo pamusoro penyaya dzematongerwe enyika.

Vachitaura naViolet Gonda weStudio 7, vaMatinenga vati vachanyatsonyora mubhuku ravo zvinhu zvese zvaita kuti vabude mune zvematongerwe enyika. Vati panezve nyaya dzekusiyirana masimba mumapato ezvematongerwer enyika zvinoda kugadziriswa (He said the main reason he is quitting politics is to make a political statement showing the serious need for a succession policy).

XS
SM
MD
LG