Accessibility links

Breaking News

Mapurisa: ZvekuEgypt neTunisia Hazvifi Zvakaitika Muno


Mapurisa akayambira nemusi weMuvhuro kuti achasunga vese vachawanikwa vachiita mabasa angangokanganisa runyararo munyika.

Yambiro iyi inotevera kusungwa nemusi weMugovera kwevanhu makumi mana nevatanhatu vachipomerwa mhosva yekuronga kupidigura hurumende.

Vanhu ava inhengo dzesangano rakazvimirira roga rinonzi International Socialist Organisation uye vanosanganisira mutungamiri wesangano iri, vaMunyaradzi Gwisai, avo vakamboita mumiriri weHighfield mudare reparamenede vari nhengo yeMDC.

Mutauriri wemapurisa, vaJames Sabau, vakaudza vatori venhau muHarare kuti vanhu ava vakawanikwa vachiona ma videos echimurenga chakaitika kuTunisia nekuEgypt masvondo mashoma apfuura, icho chakapidigura hurumende dzekunyika idzi.

Vakatizve vaGwisai nevamwe vavo vaiona mavhidhiyo aya nechinangwa chekuratidzira sezvakaitika kuTunisia nekuEgypt.

Vakati izvi hazvifi zvamboitika muZimbabwe. Gweta revanhu ava, vaMarufu Mandereve, vanoti vasungwa vachamisva pamberi pematare svondo rino.

Ntungamili Nkomo weStudio 7 akabata muongorori wenyaya dzezvematongero enyika, vaRejoice Ngwenya avo vakati hurumende irikuvhundutsira vanhu chete.

XS
SM
MD
LG