Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshushikana neZvikoro Zviri Kudzidzisa Vana Pazororo


Hurumende inoti haisi kufara nekuita kwezvikoro zvizhinji munyika zvinonzi zviri kumanikidza zvisiri pamutemo vana vazhinji kuti vadzokere kuzvikoro kunodzidza munguva yezororo.

Hurumende inoti izvi hazvisi pamutemo, uye zviri kuisa vabereki panguva yakaoma sezvo vazhinji vavo vasina mari dzekubhadharira vana vavo dzidzo dzemunguva yezororo. Hurumende inoti vana vechikoro vanofanirwa kupihwa nguva yekuzorora, kuitira kuti vadzidze zvakanaka.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvedzidzo, Va Lazarus Dokoro, vanoti kumanikidzwa kwevana uku zviri kuitwa nevadzidzisi nezvikoro zviri kutsvaga mari, kwete kuti vari kuda kubatsira vana vakasarira, sezvo vanogona vacho vari kumanikidzwa zvakare kuita zvidzidzo zvepazororo.

Vana vari kudzidza vachigara pachikoro vari kubvisa mari iri pakati pemakumi matanhatu emadhora nezana nemakumi mana emadhora, ukuwo vari kuenda kuzvikoro vachibva mudzimba dzavo, vari kubvisiswa mari inotangira pamadhora makumi mana kusvika kumadhora makumi matanhatu pamwana wechikoro.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuvabereki kuti vari kutora seyi zviri kuitika izvi.

Asi mutungamiri werimwe sangano revadzidzisi re Zimbabwe Teachers Association, Amai Tendai Chikowore, vanoti kudzidza kwevana nguva yezororo kwakanakira vana vechikoro kupfuura huipi huri kutaurwa naVa Dokora.

XS
SM
MD
LG