Accessibility links

Breaking News

LiveTalk


LiveTalk
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:29:58 0:00

Nhasi muchirongwa chedu cheLiveTalk tiri kutaura nezvedanho rakatorwa neR-B-Z rekunyima mamwe makambani mamiriyoni emadhora emari dzawo dziri kubhanga renyika iri ichiti kupa makambani aya mari idzi kunoshayisa simba mari itsva yeZimbabwe Gold kana kuti ZiG. Izvi zviri kuuya panguva iyo mari itsva iyi ichinzi yatotanga kushaya simba pamusika mutema. LiveTalk chirongwa chemaminetsi makumi matatu chinobuda paterevhizheni chamunokwanisa kufona muchipa pfungwa dzenyu. Zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika nekunze zvakasungunuka kuchaya nhare zvichipa pfungwa dzazvo pane zvinenge zvichiitika munyika. Chirongwa ichi chakanangana nekudzidzisa nekupa chayedza kuvateerei panyaya dzakakosha munyika uye tinenge tichitaura nevehurumende, vanopikisa, vakazvimirira voga nenyanzvi mune zvakasiyana siyana. Musakanganwe kuva nesu muchinzwa nekuona chirongwa ichi Muvhuro kusvika Chishanu pamasaisai anoti 1800-1830UTC, kubva nenguva dz8 kusvika 8-30 manheru.

XS
SM
MD
LG