Accessibility links

Breaking News

Zimselector.com Yotanga Bhizinesi Munyaya dzeMari


Zvizvarwa zveZimbabwe pasi rose nevamwewo vari munyika vanoda kutenga ma insurance nekuvhura mabhuku ekubhanga mumabhanga makuru munyika vachange vava kuwana mukana wekuita izvi pasi pechirongwa chekambani yepa dandemutande ye Zimselector.com.

Mukuru wekambani iyi, Va Luke Ngwerume, vanoti kambani yavo yakatanga kushanda nguva pfupi yapfuura uye yakabatana nemakambani emunyika makuru pachirongwa ichi.

Makambani ari kushanda ne Zimselector.com anosanganisira Old Mutual, CBZ, CABS, Fidelity Life, Nicoz Diamond, RM Insurance, Cimas, Zimnat Life ne Zimnat Lion nemamwewo.

VaNgwerume vanoti vari kushanda nekambani yekuBritain ye Total Systems mukufambiswa muchirongwa ichi chinoshandisa dandemutande repaindaneti.

VaNgwerume vanoti chirongwa ichi chichabatsira zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvagara zvichitsvaga mukana wekuti zvingakwanise seyi kuvhura mabhuku mumabhanga ari munyika.

Vanotiwo kambani yavo ine rutsigiro kuba kubhanga guru remunyika, reReserve Bank of Zimbabwe nemamwewo masangano anoita zvekuchengeta mari. VaNgwerume vaenderera mberi vachiti vari kushanda negurukota rezvehutano muchirongwa chehealth insurance inokwanisa kutengerwa hama neshamwari dziri munyika nevavo vari kunze kwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG