Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veMDC-T Vanocherechedza Zuva reVana muAfrica Vachiratidzira


Vechidiki ve MDC-T varatidzira muHarare neMuvhuro vachicherechedza zuva re Internation Day of the African Child vachiti vanoda mabasa.

Vechidiki ava varatidzira kunyange hazvo vakanga varambidzwa nemapurisa kuratidzira.

Vechidiki ve MDC-T vanodarika mazana matatu nhasi vaungana pamahofisi ekanzuru yemu Harare pa Town House ndokutanga kuratidzira vachiti vanoda mabasa pamwe nedzidzo yakanaka munyika. Varatidziri ava vanga vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana uye zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi “Tinoda mabasa izvozvi – Mugabe ngaaende”

Panga poda kusimuka varatidziri ava pa Town House vakananga ku Harare Gardens, pabva pasvika mapurisa anga akapakatira zvombo achirambidza varatidziri ava kuti vaenderere mberi nehurongwa mapurisa akazopedzisira asunga munyori wevechidiki mu MDC-T mupurovhinzi ye Harare, Va Denford Ngadziore, avo vakanyorerwa tsamba nemapurisa svondo rapera achivarambidza kuratidzira.

Mapurisa akanga ati nhengo dze MDC-T idzi dzaingobvumidza kunoungana mu Harare Gardens chete asi vechidiki ava vakati vazoenderera mberi chete sezvazoita nhasi vachiti bumbiro idzva remutemo wenyika rinovabvumidza kuratidzira.

Pasungwa Va Ngadziore, vechidiki ava vabva vatanga kushora mapurisa ndokupinda mumugwagwa vakatakura mapepa avo.

Mapurisa azotevera kumashure kwevaratidziri ava akapakatira zvombo asi vachidiki varamba vakawomesa makotsi vachiratidzira.

Vasvika pa Harare Gardens, sachigaro wevechidiki mupurvhinzi ye Harare, Va Shakespeare Mukoyi, vati yasvika zvino nguva yekuti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vachibva pachigaro sezvo vachiti vatadza kuti vechidiki vawane mabasa munyika sezvavakavimbisa pavaitsvaga rutsigiro musarudzo dzakaitwa gore rapera.

Vashorawo mapurisa nekuedza kuvarambidza kuratidzira vachiti uhu hudzvanyiriri hwakafanana nehwakaitwa nehurumende yehudzvanyiriri yakaurayisa vechidiki vakawanda mu South Africa apo vakaratidzira musi wa 16 Chikumi 1976.

Mumwe ataura pachiitiko ichi ndiVa Clifford Hlatshwayo vanove munyori anowona nezvekuburitswa kwemashoko mu MDC-T Youth Assembly. Va Hlatswayo vati nhamo yakawona vechidiki veku South Africa vachirwira nyaya yedzidzo muna 1976 ndiyo imwecheteyo yakatarisana nevana ve Zimbabwe pari zvino.

Murongi wemisangano mu MDC-T Youth Assembly, Va Happymore Chidziva, vatorawo mukana uyu kuzivisa kuti bato ravo richaratidzira kubva kutanga musi 1 Chikunguru vachiti panosvika musi wa 31 Chikunguru VaMugabe vanofanira kunge vabva pachigaro.

Mumwe akuta vechidiki ava ndiAmai Paurina Gwanyanya Mpariwa avo vaimbova gurukota raiwona nezvevashandi muhurumende yemubatidzwa. Vati ikodzero dzevechidiki vese kuti vawane mabasa.

Pataenda pamhepo, VaNgadziore vanga vachakachengetedzwa nemapurisa, ukuwo magweta avo achiedza kutaura nemapurisa. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Zvichakadai, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda ne Media Centre, Va Earnest Mudzengi, vati veruzhinji havasati vave kunzwisisa zviri kuitika mu MDC-T pagakava riripo pakati pechikwata chirikuti Va Morgan Tsvangirai vasiye chigaro chavo pamwe nechikwata chiri kuvatsigira.

Nokudaro, Va Mudzengi vati zvakakosha kuti pagadzisiriswe nyaya iyi kana kuratidzira uku kuchizobudirira sezvo vachiti vanowona sekuti zviri kutaurwa nevechidiki ava dziri pfungwa dzevakuru mubato iri.

Zuva reInternational Day of the African Child racherechedzwa munyika dzakawanda pasi rose nhasi uye humwe hurongwa hwekucherechedza zuva iri huchaitwa mangwana muZimbabwe nesangano revadzidzi re Zimbabwe National Students Union, kana kuti Zinasu.

Zuva iri rakatanga kucherechedzwa nesangano re Organization of African Unity, iro rava kunzi African Union muna 1991. Izvi zvakaitwa senzira yekucherechedza vana vechikoro vemu Soweto, South Africa, avo vakaratidzira kusafarira dzidzo ine rusarura munyika iyi muna 1976.

Mukuratidzira uku, mapurisa emu South Africa akapfura vamwe vevana ava vakafa. Izvi zvakashorwa nepasi rose.
XS
SM
MD
LG