Chishanu, Chivabvu 22, 2015 Local time: 13:29

Nhau / Africa

VaMadzore Vanotambirwa seGamba neMDC

MDC youth leader Solomon MadzoreMDC youth leader Solomon Madzore
x
MDC youth leader Solomon Madzore
MDC youth leader Solomon Madzore
Thomas Chiripasi
Bhizinesi rambomiswa muguta reHarare apo vatsigiri veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vanga vachipembera mumigwagwa vaine dzimotakari dzanga dzichitevera motokari yanga yakatakura mutungamiri weboka revechidiki mubato iri, Va Solomon Madzore, avo vaburitswa mutirongo neChitatu.

VaMadzore  vaburitswa pamwe nemumwe wavo Va Lovemore Taruvinga Magaya zvichitevera kubvisirwa kwavaita mari yechibatiso yakatarwa nedare neChipiri.

Paita besanwa rakawomarara paChikurubi pabuditswa vaviri ava  mushure mekugara mujeri kwenguva inodarika gore vachipomerwa mhosva yekuponda mumwe mupurisa, Inspector Petros Mutedza gore rapera. Vatsigiri veMDC vaimba zvakawomarara ndokumhanya kwechinhambwe vakatakura Va Madzore.

Pazoita mudungwe wemotokari kubva kuChikurubi kupinda mudhorobha dzange dzine vanhu vanga vachiimba vachiridza mabhero uye motokari idzi.

Mudungwe wemotokari idzi wafamba nemuna Samora Machel ndokupinda muna Leopold Takawira ndokuzokona na Nelson Mandela uye vanhu vanga vachidongorera nepamahwindo vamwe vachitevera motokari idzi kudzamara dzasvika pamuzinda weMDC paHarvest House apo VaMadzore vatambirwa nemhomho yevanhu.

VaMadzore, avo vari kudaidzwa nevatsigiri vavo nezita remadunhurirwa rekuti “Mandela”, vati kugara kwavakaita mujeri kwenguva inodarika gore kwavapa simba rekuwona kuti Va Mugabe nebato ravo re Zanu PF vabviswa pachigaro musarudzo dzichaitwa munyika.

VaMadzore vati basa ravakatarisana naro iguru kwazvo, uye vakurudzira vamwe vavo vasunge dzisimbe panyaya yekurwira shanduko.

Murongi wemisangano muMDC-T, VaNelson Chamisa, vati nyika zhinji dzakasununguka kubudikidza nekunge vatungamiri vazhinji vambopinda mujeri sezvakaita VaMadzore. Nokudaro, vati bato ravo rinovimba kuti rakutozobata matomhu pachaitwa sarudzo dzegore rinouya.

VaChamisa vatiwo bato ravo rinozviziva kuti VaMadzore nevamwe vavo havana mhosva yavakapara uye vari kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

Kubuditswa kwaitwa VaMadzore naVaMagaya kunowunza vanhu vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekuponda VaMutedza pavanhu vatatu uye kwasara vanhu makumi maviri nevatanhatu vachiri mujeri nepamusana penyaya iyi. Kune vamwewo vaviri vakazosungwa gore rino mushure mekunge VaMadzore nevamwe vavo vasungwa gore rapera.

VaMadzore naVaMagaya vakapihwa mukana wekubvisa madhora mazana mashanu pamunhu neChipiri semari yechibatiso, asi vashandi kumahofisi edare vakaramba kutambira mari iyi vachiti nguva yavo yekuita basa yakanga yakwana.

Kutongwa kwenyaya iyi kwakatarisirwa kuenderera mberi neChishanu apo magweta evasungwa pamwe nevachuchisi venyaya iyi vakatarisirwa kuudza dare kuti vari kufungei nenyaya yekuti vasara mujeri ava vobuditswa here kana kuti kwete.

Mutongi wenyaya iyi, Va Chinembiri Bhunu, vakaudza magweta kuti azeye nyaya iyi ari ega ozoudza dare ravo zvavanenge vawirirana neChishanu.

You May Like

Vanhu kuHurungwe West Vopika Kuvhotera Munhu Wavanoda, Kwete Zvinoda Zanu PF

Vamwe vagari vekuHurungwe vanoti kunyange hazvo kuine mhirizhonga zvichitevera mashoko aVaIgnatius Chombo ekutyisidzira, hazvivatadzise kuvhotera munhu wavanoda musiwe sarudzo ye by election yemuHurungwe West. Onai zvimwe

VaMliswa: Amai Mujuru Ngavasimudze Musoro

Va Temba Mliswa vashora kunyarara kuri kuita vakadzingwa semutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, nezviri kuitwa kuvanhu vaivatsigira pavaifurufushwa mu Zanu PF. Onai zvimwe

Makakatanwa muZanu PF Oburitswa neBy-Election muHarare East

Kusawirirana muZanu PF kunonzi kwadzika segejo zvichitevera mashoko emunyori wezvekorongwa kwemabasa ezvematongerwo enyika, VaSavior Kasukuwere, kune vamwe vakuru-vakuru mubato iri vavasina kudoma nemazita Onai zvimwe

EU Inoti Hurumende Ngaisimbise Kutsvaga Kwayo VaDzamara

Dare reparamende reEuropean Union neChipiri rakurudzira hurumende yeZimbabwe kuti itsvage nekuwana murwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara, avo vakapambwa kumba kwavo kuGlen View muna Kurume. Onai zvimwe
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba zesiNdebele

Indaba zesiNdebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes

This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one

Facebook