Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheYALI Chorumbidzwa muBulawayo


Andrew Chikomba
Andrew Chikomba

Vamwe vechidiki vemuBulawayo vachangobva kuAmerica pasi pechirongwa cheYoung African Leaders Iniative, YALI, kana kuti Mandela Washington Fellowship, vanoti vakadzidza zvinhu zvakakosha zvakawanda zvavanoti vachatanga kushandisa kuti vavandudze mabasa avari kuita muZimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura neStudio 7 mushure mekunge vasangana nevamwe vechidiki vanoda kupinda muchirongwa cheYoung African Leaders Initiative muBulawayo nezuro, Muzvare Samantha Nyereyemhuka vakati zvidzidzo zvavakaita vari kuAmerica zvakavhura pfungwa dzavo zvemahndo yepamusoro uye vakadzidza kuti vave munhu anokwanisa kutaura pamberi pevanhu vakawanda vasinganyare kana kutya.

Muzvare Nyereyemhuka, avo vanove projects and finance officer paKing George IV Centre, vanorarama nehurema vachishandisa wheelchair.

Muzvare Nyereyemhuka vanodzidzisa zvisina mubhadharo mutauro wemaoko, sign language, pazvipatara zveMpilo neUnited Bulawayo Hospital, vachishandawo semuturikiri kumatare edzimhosva.

Vanoti paUniversity of Delaware pavaive, vakadzidza zvinhu zvitsva pamusoro pekutaura nevanhu vasinganzwe uye vanoti vachadzidzisa vamwe vanhu zvavakadzidza izvi.

Mumwe wevaive muYALI gore rino, VaAndrew Chikomba, ndimuzvinabhzimisi muBulawayo, uye vanotengesa zvinhu zvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, Information Communication Technology, pamwe nezveSolar.

VaChikomba vanoti chimwe chezvinhu zvavakadzidza ndechekuti zvakakosha kuti vemabhzimisi pamwe neveruzhinji vasaite zvehuwori vachiti izvi zviri kudzorera nyika dzakawanda kunyanya dzemuAfrica.

VaChikomba vanoti vakadzidzawo kukosha kwekubatsira vamwe vanhu uye vanoti vachasimudzira kubatsira kwavange vachiita nekudzidzisa zvekuita bhizimisi kune vechidiki vari mumaruwa ari kunze kweBulawayo senzira yekuedza kusimudzira hupenyu hwavo.

Zvichakadaro, pamusangano wakitwa nezuro, vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa zveYALI muAfrica, VaPaul Swider, vakazivisa kuti muzinda weAmerica uri kuvaka muzinda weYALI Centre muBulawayo uye uchange uri mumwe wemizinda gumi iri kuvakwa munyika dzakasiyana-siyana muAfrica.

Kunyange hazvo vasina kukwanisa kutaura kuti imarii iri kushandiswa pakuvaka muzinda uyu, VaSwider vakati muzinda uyu uchange une michina yechizvino-zvino uye uchapa mukana vamwe vechidiki mikana yekudzidza pamusoro pezvemabhizimisi, zvehutangamiri nezvimwe zvakadaro.

Chirongwa cheYALI chakavambwa nemutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, senzira yekuedza kusimudzira vechidiki vemuAfrica kuti vave vatungamiri mune zvakaisiyana-siyana mune ramangwana ravo.

Chirongwa ichi chinoendesa vechidiki vemuAfrica mazana mashanu kuAmerica gore rega rega.

Kutanga gore rinouya, chirongwa ichi chichange chichendesa vechidiki vanosvika chiuru chimwe kuAmerica uko vachange vachiita zvidzidzo muzvikoro zvepamusoro, vachidzidzirawo kuita zvehunyanzvi.

XS
SM
MD
LG