Accessibility links

Breaking News

Mabhazi Otuta Vanhu Vari Kushanya Munguva yeZororo


Pamusika mukuru weMbare muHarare pange pasisina vanhu vakawanda masikati eMuvhuro mushure mekunge veruzhinji vakwanisa kuwana mabhazi ekuvatakura kuti vaenda kumaruwa pamwe nemamwe madhorobha avari kushanyira pazororo rino.

Asi zvinonzi mangwanani pamusika uyu vanhu vange vakawanda chose sezvo vazhinji vachida kufamba mangwanani.

Mumwe wevanhu vanotengesa pamusika wepaMbare, Amai Sammy Maramba, vanoti kunyange hazvo vanhu vange vakawanda mangwanani, zvange zviri nani kana zvichienzaniswa nemusi weSvondo pamwe nemusi weMugovera.

Mumwe anoshandira imwe kambani yemabhazi anotakura vanhu pamusika wepaMbare, uyo ati anonzi Biggy, anoti vanhu vange vakawanda chose mangwanani asi vazoita vachiita vashoma nekuti pauya mabhazi akawanda kuzovatakura.

Mukati memazuva maviri apfuura, vanhu vange vari kushaya zvifambiso mushure mekunge vemabhazi vakwidza mitengo iyi vachiona huwandu hwevanhu vaida kuenda kuzororo.

Asi zvichitevera yambiro yehurumende yekuti vese vaiita izvi vacharangwa, vamwe vakadzikisa mari dzekufambisa, izvo zvabva zvaita kuti vanhu vakwanise kufamba nzendo dzavo.

Mushure mekuona kutambura kwevanhu, gurukota rinoona nezvemadhorobha nematunhu, VaIgnatius Chombo, vakaudza kambani yemabhazi yehurumende yeZimbabwe United Passenger Company, Zupco, kuti ideredze mari dzekufambisa nezvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana.

Zupco, iyo inosibhadharisa madhora gumi nerimwe kusvika kuMasvingo, yange iri kubhadharisa vanhu madhora mapfumbamwe chete.

Zvichakadai, kunyange hurumende yakazivisa nemusi weChishanhu kuti Muvhuro izororo, vemabhimisi mazhinji muguta vange vakavhura, uye mabhanga nemahofisi ehurumende ndiwo ega ange akavhara.

Vanhu vange vari mushishi rekutenga vachigadzirira zuva rekisimusi. Mumwe wevanhu ava, ndiMuzvare Tarisayi Shumba, vanogara mumusha weWarren Park, avo vanoti vaswera vachitenga zvinhu zvekutakura pavachaenda kumusha kwavo.

Gore negore veruzhinji pasi rese vechitendero chechikirisitu vanopemberera kuzvarwa kwaJesu mwanakomana waMwari musi wa 25 Zvita.

MuZimbabwe hama neshamwari dzinoshanyirana kumaruwa, mumadhorobha, pamwe nemumaguta avonogara panguva yezororo rekisimusi.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG