Mhirizhonga inotyisa iri kuitika kuHurungwe West uko vanhu vakawanda vari kushungurudzwa kana vachizivikanwa kuti vari kutsigira VaTemba Mliswa, avo vari kukwikwidza vakazvimirira.
VaMliswa vakadzingwa muZanu PF vachinzi vaitsigira vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru.
Mhirizhonga inonziwo iri kuitika mudzimwe nzvimbo dziri kuitwa ma by elections musi 10 Chikumi.
Asi kuHurungwe West ndiko kunonzi kune mhirizhonga yakanyanyisa, uye vanhu vari kutyisidzirwa negurukota rezvematunhu, Va Ignatius Chombo.
Muvhidhiyo itsva iri mumaoko eStudio 7, VaChombo vanoonekwa nekunzwikwa vachiudza masabhuku kuti atungamire vanhu kunovhota izvo zviri kunzi nemasangano anoona nezvesarudzo zvinotyora bumbiro remitemo rinoti masabhuku, nemadzishe haafanire kushandiswa munyaya dzezvematongerwo enyika uye ikodzero yemunhu kuvhotera munhu waanoda.
Zanu PF inosigara ichiramba kuti inokurudzira mhirizhonga, asi nehunyanzvi hwavako mazuva ano, VaChombo vakatorwa vhidhiyo nembozhare umo vari kuonekwa vari vachitaura mashoko anokurudzira mhirizhonnga.
VaMliswa vari kukwikwidzana naVaKeith Guzah veZanu PF Hatina kukwanisa kubata VaGuzah sezvo nharembozha yavo yange isinganzwike zvakanaka patataura navo zvishoma.
Sangano reZimbabwe Human Rights Commission rinonzi raenda kuHurungwe West nekupurazi raVaMliswa reSpring Field kunoongorora nyaya dzemhirizhonga dziri kuitika.
Izvi zvinotevera mashoko eZimbabwe Peace Project, ZPP neZimbabwe Election Support Network , Zesn, ekuti komisheni iyi neZimbabwe Electoral Commission, dzipinde munzvimbo iyi sezvo mune mhirizhonga inotyisa iri kuitika.
ZPP inoti nhengo dzeZanu-PF dzichitsigirwa nevasori dzinonzi dziri kuudza vanhu kuti vakavhotera VaMliswa vanogona kutsakatika zvorova, uye hapana anosungwa.
Zvinonziwo nhengo dzeZanu-PF idzi dzavakawo misasa pazvikoro zvakawanda munzvimbo iyi. Mashoko emhirizhonga aya atsinhirwawo nemukuru wesangano reElection Resource Centre, VaTawanda Chimhini.
Vanotaura vakamirira bato idzva reProgressive Democrats of Zimbabwe, VaLeornad Kone, vanoti vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF vari kuvashaisa mufaro.