Accessibility links

Breaking News

Ambassador Wharton Vokurudzira Hurumende Kusaomesera Masangano Akazvimirira


US ambassador to Zimbabwe Bruce Wharton
US ambassador to Zimbabwe Bruce Wharton
Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBruce Wharton, vanoti zvakakosha kuti masangano anoshanda azvimirira aregwe achiita basa rawo kana achishanda zviri pamutemo nekuti masangano aya anoita basa rakakosha zvikuru.

Vachitaura pazuva rekurangarira muchakabvu Reverend Martin Luther King Junior, pamwe nemabasa anoitwa nemasangano anoshanda akazvimirira, VaWharton vati masangano aya anomirira zvido zvevanhu uye mabasa akaitwa naVaKing nesvondo nemasangano avaishandira ndiwo akaunza shanduko muAmerica.

Asi vatiwo nguva zhinji hurumende hadzifariri masangano aya sezvo dzichifungidzirwa kuti anenge achiita zvakaipa. Vatiwo kana VaKing pachavo vakatombofungirwa nehurumende yeAmerica kuti vaita zvakaipa kunyange hazvo vairwira kodzero dzevanhu vasingashandise mhirizhonga.

Vatiwo masangano aya anofanira kushanda pamwe nehurumende kuitira kuti akwanise kumirira zvido zvevanhu vaanomirira. Ambassador Wharton vatiwo ivo pachavo vanoshanda nemasangano aya.

Mashoko aVaWharton anouya apo mukuru werimwe remasangano aya, ZimRights, VaOkay Machisa, nevamwe veshandi vesangano ravo vari mutirongo vakamirira kutongwa nenyaya dzine echekuita nesarudzo.

Gore rapfuura, gavhuna veMasvingo, VaTitus Maluleke, vakamisa kushanda masangano akazvimirira makumi maviri nemapfumbamwe kuMasvingo vachiapomera mhosva yekuita zvematongerwo enyika.

VaKing, avo vakaurayiwa muna 1968, vanorangarirwa kuAmerica musi wa 21 Ndira wega wega nekuda kwemabasa avakaita mukurwira kodzero dzevanhu vemunyika iyi.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG