Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoita Referendamu Musi wa16 Kurume


Eric Matinenga
Eric Matinenga
Hurumende yazivisa neChitatu kuti referendamu yegwaro idzva rebumbiro idzva remitemo yenyika rakanyorwa richitungamirwa nekomiti yeparamende yeCOPAC ichaitwa musi wa 16 Kurume.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, gurukota rinowona nezvebumbiro nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vati vakaudzwa nevakuru vavo muhurumende kuti referendamu iyi ichaitwa musi wa16 Kurume.

VaMatinenga vati zuva iri rakabvumiranwa nedare remakurukota ehurumende mumusangano wakaitwa neChipiri, uyo vati havana kupinda.

VaMatinenga vati havazivi kuti mari inodiwa kuita referendamu yavepo here kana kuti kwete, sezvo iri risiri basa ravo.

Asi gurukota rezvemari, Va Tendai Biti, pamwe negurukota rinowona nezvemitemo, Va Patrick Chinamasa, vakanyorera sangano re United Nations Development Program, UNDP, vachikumbira mari yesarudzo nereferendamu.

Vaviri ava vakati zvirongwa zviviri izvi zvaida mari inoita mazana maviri nemakumi mashanu emamiriyoni emadhora, asi pari zvino hurumende yaive nemari inoita makumi maviri neshanu emamiriyoni emadhora, nokudaro vaitsvaga jeredza racho pamari iyi.

Makurukota ehurumende mazhinji ataura neStudio 7 anoti nyaya iyi atoinzwawo neChipiri uye haina kana kumbozeyiwa mudare remakurukota. Vane ruzivo nezviri kuitika vanotiwo kana sangano rinofanira kuronga sarudzo idzi reZimbabwe Electoral Commission, range risati rasumwa.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wavo, VaArthur Mutambara, ndivo vakaronga zvezuva iri vasina kusuma vamwe.

Zvinonzi VaMatinenga vatoudzwa nevakuru ava kuti vataure mubepanhau rehurumende kana kuti Government Gazette neChishanu vachitara zuva iri zviri pamutemo.

Munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga vanoti VaNcube havana kunge vasumwa nezvenyaya iyi.

Sangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro idzva remitemo yenyika rinobva muvanhu, reNational Constitutional Assembly, NCA, rinoti harisi kufara nekuti nguva yapihwa vanhu kuti vazeye gwaro rebumbiro iri ishoma zvikuru.

Sachigaro veNCA, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti vave kuendesa VaMugabe kudare repamusoro soro nezvenyaya iyi, nekuti vari kushandisa mitemo nenzira inotyora kodzero dzevanhu vakawanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG