Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Vakatora Purazi raVaMliswa neChisimba Ngavabve Muparazi Iri


Mutongi wedare repamusoro, VaChinembiri Bhunu, neChipiri vakatara mutongo wekuti nhengo dzeZanu-PF ina dzainge dzatora purazi revaive sachigaro weZanu-PF kuMashonaland West, VaTemba Mliswa, vabviswe.

Purazi iri rinonzi Karoi Spring Farm uye rine imba yekudyira negaraji.

Nhengo dzeZanu-PF dzamiswa mudare ndiVaNigel Murambiwa, VaChinjayi Kambuzuma, VaTapiwa Masenda naVaSilas Chimbiri.

VaMliswa vakadzingwa muZanu-PF vachinzi vaitsigira chikwata chainzi chaitsigira vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, avo vakadzingwawo mubato iri.

Nyaya yekuti VaMliswa vave kukwikwidza vakazvimirira kuHurungwe West ndiyo inonzi yapa kuti vatorwere purazi uye vanovatsigira nevashandi vavo vapote vachirohwa pamberi pesarudzo iri kuitwa musi wa10 Chikumi.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, VaMaxwell Pasi, vanoti kuHurungwe kwaberekera ingwe zvekuti vanhu vari kutiza misha yavo vachitya kurohwa nevanhu veZanu PF.

Izvi zvinotevera mashoko egurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, avo vakapesvedzera vagari kuti vasatambiire vanhu vanotsigira VaMliswa.

Hurukuro naVaMaxwell Pasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG