Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotsigira Kutengeswa KweNzou Dzainoti Dzawandisa


Zim Tourism Minister Walter Mzembi
Zim Tourism Minister Walter Mzembi

Hurumende neChitatu yakatsigira kutengeswa kwemhuru dzenzou kunyika dzakaita seChina ichiti izvi zviri kuitwa pamutemo kupedza dambudziko renzou idzo inoti dzakawandisa kudarika dzainokwanisa kuchengeeteka.

Gurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika zvakare vakasanobata chinzvimbo chegurukota rezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa, VaWalter Mzembi vati pane nzira dzakawanda dzekupedza dambudziko rekuwandisa kwenzou uye imwe nzira yacho kudzitengesa kunyika dzinokwanisa kudzichengeta.

Vachitaura apo Zimbabwe yange iri kupihwa zana rezviuru zvemadhora nenyika yeNetherlands kuti indoratidzira pazviratidzwa zvekukoka vashanyi vekunze chekunyika iyi chinonzi Vakantiebeurs, VaMzembi, vati mari inowanikwa pakutengeswa kwenzou idzi inoshandiswa mukuchengetedza zviwanikwa.

Vati zviri kuitwa nemamwe masangano emuno neekunze zvekupikisa kutengeswa kwenzou hazvina maturo uye masangano iwawo haana zvaarikuita mukubatsira nyika kuchengeta nzou nezvimwe zviwanikwa.

Vati imwe nzira yekupedza dambudziko rekuwandisa kwenzou kuti dzivhimwe nevanodzida asi vati nyika haikwanisi kutora nzira iyoyo sezvo America yakaisa zvisungo zvekuti nzou dzemuZimbabwe dzisavhimwe gore rapfuura.

Zimbabwe iri kutengesa nzou diki kunyika dzakaita seChina neUnited Arab Emirates asi vemasangano anoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka akaita seZimbabwe Conservation Taskforce vari kuda kuti Zimbabwe irambidzwe kutengesa nzou idzi uye vari kutofamba pasi rese vachikumbira maparamende akaita seenyika dzekuEurope ne America kuti idzike mitemo inorambidza kutengeswa kwenzou.

Asi VaMzembi vati nzou idzi dziri kutengeswa pachitevedzwa mutemo wepasi rese. Zvichakadai VaMzembi vatenda Netherlands nekupaZimbabwe mari yekuti iiende kuzviratidzwa zve Vakantiebeurs vachiti izvi zvichaita kuti nyika ikwanise kukwenezera vashanyi kana kuti vauye vachibva kunyika dzekumawirira.

Vatendawo Netherlands nekubatsira Zimbabwe kutsvaga kambani ichange ichishambadza Zimbabwe kunyika iyi nedzinwe nyika dzeku Europe Mumiriri weNetherlands muZimbabwe, Amai Gera Sneller, vati nyika yavo yakaona zvakakodzera kubatsira Zimbabwe kuti izvishambadze vakati izvi zvinoita kuti vanhu vanoshanyira Zimbabwe vawande.

Vati izvi zvino simudzira makambani emuZimbabwe neNetherlands uye zvinoita kuti hupfumi hwenyika mbiri idzi husimukire.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG