Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Bhajeti Raturwa naVaChinamasa


Va Patrick Chinamasa
Va Patrick Chinamasa

Zvakabuda mubhajeti neChina zviri kuratidza kuti vanhu vakawanda munyika vari kuramba vachirasikirwa nemabasa zvopa kuti vanonge svosve nemuromo.

Kubva muna 2011, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti vanhu vanopfuura zviuru makumi mashanu nevashanu varasikirwa nemabasa.

Kunyange hazvo hurumende yakaparura gwaro rezvehupfumi reZimAsset ichivimbisa mabasa mamiriyoni maviri mumakore mashanu anotevera, zvinhu zvichakaita manyama amire nerongo.

Asi nenyaya yekusagadzirisa zvematongerwo enyika uye kutyorwa kwekodzero dzevanhu, Zimbabwe ichiri kubatwa seyakageza negoka munyama zvopa kuti pashaye vekunze vanoibatsira nemari inosvika mabhiriyoni makumi maviri nemanomwe emadhora ekuti chirongwa ichi chishande.

Mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti hurumende inofanira kushanda nevashandi nevashandirwi mukugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimbotungamira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanotiwo VaChinamasa vabaya dede nemukanwa nekunyatsotaura zvinoda kuitwa kuti hupfumi hugadzirike.

Hurukuro naDr Godfrey Kanyenze naVaCallisto Jokonya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG