Accessibility links

Breaking News

Bato raVaObama Rinokundwa neRepublican Party Musarudzo


VaBarack Obama
VaBarack Obama

Bato reRepublican Party ndiro rava kutonga matare eparamende maviri emuAmerica zvichitevera kukunda zvine mutsindo kwarakaita Democratic Party musarudzo dzakaitwa neChipiri.

Bato re Democrat Party, iro rinova remutungamiri wenyika, VaBarack Obama, ndiro ranga richitonga mudare repamusoro re Senate, ukuwo Republican Party richitonga mudare reHouse of Representatives kana kuti Congress.

VaObama mbune vatambira kukundwa kwebato ravo vakati vachashanda neRepublican Party mukugadzirisa zvinhu zvakakosha munyika.

Asi vatiwo havasi kuzotambira mitemo inoumbwa nebato iri kana isingaenderane nezvavanotarisira kuitwa.

VaObama vasarirwa nemakore maviri vari panyanga, uye vakawanda vanoti makore aya achavaomera sezvo vari kutonga nyika vasina masimba akawanda muparamende zvichitevera kukundwa kwebato ravo.

Zvichitevera sarudzo idzi, bato reRepublican Party rawedzera huwandu hwaro mudare reCongress, ukuwo Democratic Party ichitorerwa zvakare zvigaro mudare repamusoro re Senate.

Vanotungamira Democratic Party mudare re Senate, VaHarry Reid, vatenda kuti vakakundwa musarudzo uye vanoti vanotarisira kuti vachashanda neRepublican Party mukufambisa hurongwa hwenyika vachiita mushandira pamwe nevavanopikisana navo.

VaReid vakorokotedza mutungamiri weGrand Old Party muSenate, VaMitch McConnell.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachidzidzisa paUniversity of Malone mu Cincinnati muAmerica, VaMoses Rumano, vanoti sarudzo dzakaitwa murunyararo uye havana kushamisika havo kuti Republican Party yakakunda.

Hurukuro naVaMoses Rumano
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaChris Mutsvangwa, vanoti vane chivimbo chekuti nyaya yezvirango ichagadziriswa nedare reSenate rave mumaoko e Republican Party.

Hurukuro naVaChris Mutsvangwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG