Accessibility links

Breaking News

Amai Mugabe Vokonzeresa Mutauro muZanu-PF neMunyika Yose


Zimbabwean President Robert Mugabe and his wife Grace at the 2010 funeral of his sister, Sabina
Zimbabwean President Robert Mugabe and his wife Grace at the 2010 funeral of his sister, Sabina

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, neChipiri vange vari kuMazowe papurazi ravo rinochengetwa nherera vachiita musangano nevatungamiri vemachechi vakasiyanasiyana.

Vange vari kugungano iri vanosanganisira Bishou wechechi yeZion, VaZephania Mutendi, mutungamiri wedare re Senate, Amai Edna Madzongwe, nevamwe.

Gungano iri rabata nyaya dzehuori uye nyaya dzehunhu, pamwe nekushora hungochani.

Vachitaura vari muGweru neMuvhuro, Amai Mugabe vakati vane humbowo hwekuti pane vamwe mubato iri vari kuronga tsoro yekuda kupidigura murume wavo pachigaro vachishanda neMDC.

Asi mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo harineyi nezviri kuitika muZanu PF, uye bato iri rinozivikanwa nekupindira kwaro mukubvongonyodza zvinhu mu MDC-T.

Amai Mugabe vakatiwo masachigaro ebato reZanu-PF ari mumadhorobha ari kukundwa neMDC anofanira kudzingwa pazvigaro kwouya vamwe.

Misangano yaAmai Mugabe inonzi nevamwe mubato yave kukonzera kunetsana kwakanyanya muZanu-PF umo magara muine kunetsana pakati pevanonzi vari kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru nevanotsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa.

Vaviri ava vanoramba kuti vane mapoka avanotungamira. Muzvare Oppah Muchinguri, avo vari kutungamira Womens League pari zvino, vanoti Amai Mugabe vachapedza kurwisana uku.

Asi vekudivi raAmai Mujuru vanonzi vari kuti Amai Mugabe vave kunyanya kuzemberana nedivi raVaMnangagwa, rinova rina Muzvare Muchinguri.

Tayedza kubata Amai Madzongwe asi vati vange vakabatikana nemusangano nevakuru vemachechi ava.

Vaimbova nhengo yeZanu-PF uye vakambotungamira bato re Zimbabwe Union of Democrats, Amai Margaret Dongo, vanoti Amai Mugabe havangaunze kubatana muZanu-PF nekuti chirema chaicho havana.

Hurukuro naVaMargaret Dongo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG