Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yomiramira paMhirizhonga Iri muLesotho


Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaSydney Sekeramai, negurukota rinoona nezvekudzivirirwa kweSouth Africa, Amai Nosiviwe Mapisa-Nqakula, vari muLesotho kumusangano nevakuru vemauto emunyika iyi wekuti zvinhu zvigadzikane mushure memashoko ekuti mauto ainge oda kupidugura hurumende neMugovera.

Izvi zvakapa kuti mutungamiri wehurumende yenyika iyi, VaThomas Thabane, vaende muhupoteri muSouth Africa.

Mauto anonzi akabvutira mapurisa pfuti uye akatora mamwe makamba emapurisa. Mapurisa anonzi anotsigira VaThabane, ukuwo mauto achinzi anotsigira mutevedzeri wavo, VaMothetjoa Metsing.

NeMuvhuro mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanova sachigaro weSADC Troika on Defense, vakaita musangano nevatungamiri vemapato ari muhurumende yemuLesotho vakakurudzira kuti vabatane mukugadzirisa zvinhu munyika iyi.

Mutauriri wemauto eLesotho Defence Forces, VaNtlele Ntoi, vaudza Studio 7 kuti handi chokwadi kuti masoja aida kupidigura hurumende. Vati chakaitwa nemauto kungotorera mapurisa zvombo nekuti painge paine fungidziro yekuti vaida kupa zvombo kune vechidiki vanotsigira VaThabane.

Asi mutauriri waVaThabane, VaThabo Thakalekoala, vaudzawo Studio 7 kuti mauto ari kureva nhema. Vati mauto akayedza kupidigura hurumende nechisimba uye zvinhu hazvina kugadzikana munyika iyi.

Vatiwo SADC iri kutumira vaongorori nemauto anochengetedza mutungamiri weLesotho ange achitarisirwa kupinda munyika iyi neChitatu.

Hatina kukwanisa kubata VaSekeramai kuti tinzwe zviri kuitika kuLesotho.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vachishanda nesangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti zvaitwa neSADC zvekuramba kutambira zvakaitwa nemauto emuLesotho zvakanaka.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG