Accessibility links

Breaking News

South Africa Yojekesa Nyaya yeMapepa kuZvizvarwa zveZimbabwe Svondo Rinouya.


Hurumende yeSouth Africa iri kutarisirwa kubuda pachena svondo rinouya zvaichange ichiita pazvizvarwa zvemu Zimbabwe zvakapihwa mvumo yekugara pamwe nekushanda munyika iyi pasi pechibvumirano chakaitwa munyika che Zimbabwe Dispensation Project.

Gurukota rinoona nezvemukati muSouth Africa, Muzvare Naledi Pandor, ndivo vari kutarisirwa nemusi weChitatu svondo rinouya kubuda pachena kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvakapihwa mapepa pasi pechirongwa che Zimbabwe Dispensation Project, icho chave kusvika kwamvura yacheka makumbo, vozadzikisa sei chisungo chedare remakurukota emuSouth Africa chekuti vanhu vatange vadzokera kumusha kwavo kana vachida mamwe mapepa matsva ekugara munyika iyi.

Mutevedzeri wegurukota rezvemukati meSouth Africa, Muzvare Fatima Choune, neChitatu vataura nevatori venhau muPretoria vakaramba kutaura zvizere nenyaya yezvizvarwa zveZimbabwe vachiti Muzvare Pandor mbune ndivo vachajekesa zvave kuzotora nzvimbo mukuzadzikisa chisungo chedare remakurukota.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wedare remakurukota eSouth Africa, Muzvare Phumla Williams, vakazivisa kuti dare remakurukota rakatotora danho rekudzosera zvizvarwa zveZimbabwe kumusha kwazvo kuti zvitange zvakare kutsava mvumo itsva.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reZimbabwe Migrants Association, VaDaniel Muzenda, vanoti South Africa haifanire kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvidzokere kumusha kunotsvaga mapepa.

Pasi pemutemo wekugara muSouth Africa weImmigration Act 2002, hurumende yemunyika iyi ine kodzero yekubvisa nechisimba zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvinenge zvichigara munyika iyi zvisiri pamutemo.

Uye mutemo uyu unorambidzawo makambani kupinza basa vanhu vanove zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvinenge zvisina mvumo yekushanda munyika iyi.

Zvikoro hazvitenderwiwo kunyoresa vanhu vasina magwaro zvimwe chetezve nemabhanga. Zvizvarwa zveSouth Africa zvinorambidzwawo kubatsira vasina magwaro akakwana kunze kwekunge zvichiita nehutano hwemunhu.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG