Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Central Committee Yozeya neChishanu Kuvandudzwa kweBumbiro reBato


Kuvandudzwa kwebumbiro kunotarisirwa kupa VaRobert Mugabe masimba akawandisa mukudoma vatewedzeri vavo
Kuvandudzwa kwebumbiro kunotarisirwa kupa VaRobert Mugabe masimba akawandisa mukudoma vatewedzeri vavo

Central Committee yebato reZanu PF iri kutarisirwa kusangana neChishanu kuti itambire kana kuramba kurudziro yePolitburo yekuti bumbiro rebato rivandudzwe kuitira kuti mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vapiwe ivo masimba ekudoma vatevedzeri vavo vari vaviri pamwe nasachigaro webato.

Politburo, iyo yakasangana nemusi weChina, inonzi yakatambirawo zvakabuda musarudzo dzekutsvaga nhengo dzichange dziri muCentral Committee.

Sarudzo idzi, idzo dzinonzi nevakawanda hadzina kuitwa nenzira kwayo, dzakasiyawo vamwe vaive mukomiti iyi vasina kudomwa kana kurambwa nevanhu, vachipomerwa mhosva yekutsigira mutevedzeri wemutungamiri webato iri uye nyika, Amai Joice Mujuru.

Amai Mujuru vari kupomerwa mhosva yekuda kubvisa VaMugabe pachigaro nechisimba.

Zanu PF iri kutarisirwa kuita kongiresi yayo muHarare svondo rinouya, apo VaMugabe vari kutarisirwa kudoma vavachazoshanda navo kusvika musarudzo dzemuna 2018. Izvi vachazviita kana Central Committee vabvuma kuti mitemo yebato ivandudzwe.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mangongera, vanoti nemamiriro akaita zvinhu muZanu PF, havaoni Central Committee ichiramba kutambira zvakasungwa nePolitburo.

VaMangongera vanoti nhengo dzeCentral Committee dzakatotyisidzirwa kare zvichitevera sarudzo dzakaitwa mumatunhu, idzo dzakaona vazhinji vachisiiwa kana kurambwa.

Hurukuro naVaCharles Mangongera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG