Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi Dzoshora Zviri Kuitika muZanu PF


Kurwisana muZanu PF kunonzi hachisi chinhu chitsva
Kurwisana muZanu PF kunonzi hachisi chinhu chitsva

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti zviri kuitika muZanu PF zvekuswero tsoropodzana pamwe nekudzingana mubato iri hazvisi zvinhu zvitsva sezvo bato iri richizivikanwa nenhoroondo yekurwisana kubva kare.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika yakazvimirira, Muzvare Gladys Hlatshwayo, vanoti kubva panguva yapinda VaMugabe panyanga vachitungamira bato reZanu PF, zvakave pachena kuti vachatora masimba ose senzira yekuvharira ani nani zvake ane pfungwa yekudawo kutonga.

Mashoko aya anotsigirwawo neimwe nyanzvi inoongorora zvematongerwo enyika, VaChamunorwa Madiridze, avo vanotiwo zvinhu muZanu PF zvagara zvichingoitwa semadiro aVaMugabe.

Vachitaura pakuvhurwa kwekongiresi yebato ravo, VaMugabe vashoropodza mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, avo vari kupomerwa mhosva yekuda kubvisa VaMugabe pachigaro nechisimba.

Asi Amai Mujuru vanoti aya manyepo chaiwo. Kongiresi yeZanu PF iri kutarisirwa kupera iine vatungamiri vatsva vose vanodomwa naVaMugabe.

Sezvo zvava pachena kuti hapachina hukama pakati paVaMugabe naAmai Mujuru, akawanda vari kubvunza kuti ndiyani achatora chinzvimbo chaAmai Mujuru, uye kutsiva chinzvimbo chakasiyiwa nevaive mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato, muchakabvu VaJohn Nkomo.

VaMugabe vachadoma zvakare sachigaro mutsva. Chigaro ichi china VaSimon Khaya Moyo pari zvino.

Muzvare Hlatshwayo vanoti VaMugabe vanogona kushamisa vanhu nekudoma vamwe vasiri kufungidzirwa kuti vatsive zvigaro zvichasiiwa naAmai Mujuru pamwe nevamwe vavo vavari kupomerwa mhosva mubato iri nechikwata chiri pachena kuti chiri kutsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa.

Asi VaMadiridze vanotiwo zvakakosha kuti vanhu vari kupomerwa mhosva ava vaongororwe uye kumiswa pamberi pematare edzimhosva kana vakadzipara.

Hurukuro naMuzvare Gladys Hlatshwayo pamwe naVaChamunorwa Madiridze
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG