Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vocherechedza Zuva Ravo Vachitya Kurasikiswa neMabasa


Munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe VaRaymond Majongwe
Munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe VaRaymond Majongwe

Varairidzi vemunyika vabatana nepasi rose mukucherechedza zuva revarairidzi, reWorld Teachers’ Day iro rinocherechedzwa musi wa 5 Gumiguru gore roga-roga.

Gore rino zuva iri rauya panguva iyo varairidzi vakabatira ura mumaoko vachiti havazivi kuti ramangwana ravo rakamira sei sezvo vasingazivi kuti vachamiswa mabasa here kana kuti kwete.

MuZimbabwe varairidzi vanoti havana zvikuru zvavaita kucherechedza zuva iri sezvo vaine tarisiro yekuzoita mhererero musi wa 16 mwedzi uno, apo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, avo vakambovewo murairidzi, vachatarisirwa kutaura kuvarairidzi.

Sangano reUNESCO rakabatana nehurumende pamwe nemasangano evarairidzi ndivo vanonzi vachatungamira hurongwa uhwu.

Munyori mukuru werimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe VaRaymond Majongwe vanoti chiri kurwadza varairidzi ndechekuti vari kucherechedza zuva iri vachishungurudzwa nevashandi vehurumende vari kutenderera muzvikoro vachiona mashandiro ari kuita varairidzi.

“Hapana zvataita nekuti kwese kwatiri mariro vanhu vari kungochema nekuti zvokwadi zvokwadi takati ngatiunganidzeyi vanhu tiite mhemberero, imi muchiziva kuti mumusha menyu mune mariro handifungi kuti vanhu vangambozvinzwisisa,” vanodaro VaMajongwe.

Gore rino dingindira rezuva iri rakanangana nekupa masimba kuvarairidzi, kuvaka nekuchengetedza hunhu muvanhu, kana kuti “Empowering Teachers, Building Sustainable Societies”.

Mukuru werimwe sangano revarairidzi reZimbabwe Teachers Association VaSifiso Ndlovu vanotiwo vanotarisira kuti hurumende ichashandisawo zuva revarairidzi iri kuzadzisa zviri kuhurongwa hweSustainable Development Goals, uhwo hune dzidzo sechimwe chezvisungo zvahwo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG