Accessibility links

Breaking News

Madzimai ekuMasvingo Okurudzira Hurumende Kubvisa Mari dzeMateneti


Madzimai akamirira kubatsirwa vari kumateneti, Nov. 20, 2014. (Sebastian Mhofu/VOA)
Madzimai akamirira kubatsirwa vari kumateneti, Nov. 20, 2014. (Sebastian Mhofu/VOA)

Madzimai emudhorobha reMasvingo akurudzira hurumende kuti ibvise mari inobhadharwa nevanhukadzi vakazvitakura kuitira kuti vakwanise kusunungukira muzvipatara.

Madzimai ava vari kuti havasi kukwanisa kubhadhara mari iyi izvo zviri kukonzera kuti vazhinji vavo vasunungukire mudzimba.

Madzimai akawanda audza nhengo dzeparamende dzekomiti inoona nezve mari nehupfimi kuMasvingo pamusangano wekugadzirira bhajeti regore rinouya kuti hurumende inofanira kubvisa mari iyi iyo iri kubhadhariswa nebazi rezveutano nekuchengetedzwa kwevanana.

Vanhukadzi vatiwo zvipatara zviri kubhadharisa madzimai akazvitakura mari yakawandisa iyo yavasingakwanisi kuwana nenyaya yekuoma kwehupenyu zvichi konzerwa nehupfumi hwenyika hwawondomoka.

Mumwe mudzimai wemuMasvingo, Amai Tsitsi Muwonda vati zvipatara zvino bhadharisa mari yakawandisa izvo zviri kuita kuti vasunungukire mudzimba.

“Tirikuti vanhu ve paramende vauya vanoudza hurumende kuti hatikwanisi kubhadhara mari iyi nokudaro tinoda kuti ibviswe tizokwanisawo kusunungukira muzvipatara zvakanaka,” vadaro Ami Muwonda.

Madzimai aya ati zvipatara zvinobhadharisa mari inotangira pamakumi matanhatu emadhora kusvika pamakumi masere, inova mari yakawandisa.

Mamwe madzimai atiwo nekuda kwekuoma kwaita upfumi hwenyika, madzimai mazhinji havaendi kumabasa pamwechete nevarume vavo izvo zviri kuita kuti vasawane mari yekubhadhara mari dzekuzvipatara.

Vaenderera mberi vachiti nokudaro ruzhinji rwevakadzi runotosunungukira kudzimba vachitya kuenda kuchipatara.

Amai Janet Gumbo vati nenyaya iyi madzimai akazvitakura ane hutachiona hweHIV/AIDS ave kutapurira vana vavo nenyaya dzekusasunungikira muzvipatara.

“Kuti nyika inzi ine vanhu tinofanira kuzvarana tiwande asi nenyaya yemari iyi hatichabari uye vane utachiwana vototapurira vana vavo sezvo vasingakwanisi kuenda kuzvipatara nekudhurirwa,” Amai Gumbo vadaro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG