Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vovimbisa Kuvandudzwa kweMutemo weVashandi neVashandirwi


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChitatu vakapindawo mugakava rakasimudzwa nemutongo wedare reSupreme Court, wekuti makambani anogona kumisa vashandi mabasa mushure mekuvapa zviziviso zvemwedzi mitatu.

Vachitaura kumusangano wevemabhizimusi madiki wakaitirwa muHarare VaMugabe vakati mutemo uyu unodzvinyirira vashandi, uye hurumende yavo iri kushanda kuti ikasike kuushandura kuitira kumisa kurasikirwa kwemabasa nevashandi.

Nhengo yeZanu PF uye vachiongorora zvematongerwo enyika, VaGoodson Nguni, vanoti bato ravo pamwe nehurumende yavo zvichaona kuti mutemo uyu washandurwa sezviri kutaurwa nemutungamiri wenyika.

Asi mutauriri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, uye vachiongongorora zvematongerwo enyika, VaMaddock Chivasa, vanoti VaMugabe havafanirwi kuratidza kushamisika nemutemo uyu sezvo wagara uripo pasi pehurumende yavo.

Makambani akawanda anonzi ari kushandisa mutongo wedare repamusorosoro iri kumisa vashandi, vazhinji vacho vachienda vasina cheuviri. Kusvika pazviri zvino, vashandi vanopfuura zviuru zvipfumbamwe vakatomiswa mabasa.

Vamwe ndivo vave kuti iyo hurumende inenge ine pfungwawo yekutora mukana wekudimura vashandi vayo ichishandisawo mutongo iwoyu, sezvo mari yayo zhinji iri kuperera mumari dzemihoro.

Izvi zvinotevera mashoko egurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, ekuti dare remakurukota rakatobvumirana kuti mari inoshandiswa nehurumende kubhadharra vashandi vayo idzikiswe kusvika pazvikamu makumi mana kubva muzana.

Pari zvino mari yehurumende inosvika zvikamu makumi masere nezvitatu kubva muzana iri kuenda kumihoro yevashandi vehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG