Accessibility links

Breaking News

Kusasununguka kweUpfumi Kwodzikisa Chimiro cheZimbabwe


Tsvakurudzo yeHeritage Foundation inoratidza kuti Zimbabwe iri pachinhambo chekutatu kubva kumuswe
Tsvakurudzo yeHeritage Foundation inoratidza kuti Zimbabwe iri pachinhambo chekutatu kubva kumuswe

Kusamira zvakanaka kwenyaya dzeupfumi munyika kunonzi kwaita kuti Zimbabwe ive imwe yenyika nhatu dziri pasi dzinonzi hadzina rusununguko munyaya dzezveupfumi.

Izvi zvakaburitswa netsvakurudzo yakaitwa nemakambani maviri avana chipangamazano anoti Heritage Foundation ne Wall Street Journal akabatana pamwechete.

Tsvakurudzo iyi, iyo inonzi 2015 Index of Economic Freedom, inoratidza kuti Ziri pachinzvimbo chezana nemakumi manomwe neshanu, kubva munyika zana nemakumi manomwe nesere, iine zvibodzwa makumi matatu nezvinomwe.

Masangano makuru maviri aya aitarisa zvinhu zvinobata rusununguko rweupfumi zvakaita semitemo yenyika, mitemo yezvemabhizimusi, kuvhurika kwemisika nezvimwe zvakadaro.

Nyika nhatu dziri kumashure kweZimbabwe dzinoti Venezuela, Cuba neNorth Korea.

Nyika gumi dziri pamusoro dzinoti Hong Kong, Singapore, New Zealand Austria, Canada, Switzerland, Chile, Ireland, Estonia neMauritius.

Gore rapera Zimbabwe yaive pachinhambo chezana nemakumi manomwe nenhanhatu, zvichireva kuti gore rino yakakwira nechinzvimbo chimwe chete chete.

Kutseketuka kweZimbabwe uku kunonzi kwakakonzerwa nekubatwa zvakanaka kwenyaya dzinosanganisira kushandiswa kwemari nehurumende.

Studio7 yakundikana kubata gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamsa, kuti tinzwewo divi rehurumende panyaya iyi.

Asi nyanzvi mune zveupfumi uye vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti Zimbabwe inokwanisa zvikuru kukwira kubva pachinhambo chinonyadzisa chayagara iri ichi kana chete ikabvuma kushandura mitemo yayo inobata zvemabhizimusi.

Hurukuro naDoctor Godfrey Kanyenze
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG