Accessibility links

Breaking News

Friends of Baptists in Zimbabwe Yobatsira Zvikoro neMakombiyuta


Sangano reFriends of Baptists in Zimbabwe riri kuda kuisa makombiyuta muzvikoro zvakawanda zvekumaruwa
Sangano reFriends of Baptists in Zimbabwe riri kuda kuisa makombiyuta muzvikoro zvakawanda zvekumaruwa

Zvikoro zvitanhatu mumatunhu anoti Manicaland, Midlands, Masvingo neMashonaland West zvichatanga gore ra2016 mukati memufaro zvichitevera danho rezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica rekutumira midziyo inosanganisira makombiyuta.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakadzidza kuzvikoro zveBaptist Church muZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kubatsira kuzvikoro izvi kuburikidza nekuunganidza makombiyuta nemari zvichipiwa kune vanoshaya kana kusimudzira zvikoro zvekumaruwa.

Izvi zviri kuitwa pasi pesangano reFriends of Baptists in Zimbabwe-USA, iro rakaumbwa muna 2002 richitungamirwa naMufundisi Isaac Mwase.

Mufundisi Mwase vanoti zvikoro zvichawana rubatsiro kubva kusangano ravo ndezvinoti; Sanyati Baptist High School kuKadoma; Chitswa High School, Chiundu Secondary School, neSaint Joseph zviri kwaRusape kuManicaland; Getnel High School kuMasvingo; neG and N School iri kuMidlands.

Mugovera wapera nhengo dzesangano iri dzakaunganidza mari kuburikidza nemabiko akaitirwa muDallas kuTexas.

Mufundisi Mwase vanoti makombiyuta avari kutumira kumusha ave muBeira, kuMozambique, uye anotarisirwa kunge atambidzwa kuvakuru vezvikoro zvitanhatu izvi mukutanga kwegore rinouya iri.

Vanoti makombiyuta aya akawanikwa kuburikidza neimwe nhengo yesangano ravo, VaZeddy Chirombe, avo vari kuNorth Carolina.

Pari zvino sangano reFriends of Baptists in Zimbabwe riri kutungamirwa naDoctor Solomon Masenda, vari kuTexas, uye rakanyanyobatwa nemhuri dzevanhu vakakurira muchechi yeBaptist in Zimbabwe nevamwewo vezvitendero zvakasiyanasiyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG