Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoita neChina Musangano Mukuru weMangoda


Zimbabwe iri kuchera mangoda mumatunhu akawanda
Zimbabwe iri kuchera mangoda mumatunhu akawanda

Zimbabwe iri kutarisirwa neChina kutanga musangano wemazuva maviri wenyika pamwe nemakambani anochera pamwe nekutengesa mangoda.

Musangano uyu unonzi wakakosha zvikuru sezvo uchipa nyika mukana wekuzvitengesa munyaya dzemangoda.

Musangano uyu, uyo uri kukokerwa nebazi rezvezvicherwa, unonzi uri kutarisirwa kupindwa nevanhu vanosvika chiuru vanobva munyika dzemuAfrica dzinochera mangoda pamwe nevanotenga nekutengesa mangoda vepasi rose.

Vanomirira Kimberley Process muZimbabwe (local focal point) uye vari gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaShamiso Mtisi, vanoti Zimbabwe ine zvakawanda zvekuwana kubva mumusangano uyu.

Asi VaMtisi vanoti hurumende inofanirwawo kutora mukana uyu kuonawo kuti vagari vemunzvimbo dzinocherwa mangoda aya vanofanirwawo kuwana cheuviri, uye kuti makambani emunyika anenge apiwa mabasa ekucheka mangoda anofanirwa kuzivisa hurumende paanenge asvika pamwe nehuwandu hwemangoda hwaanenge anawo.

Masangano akazvimirira anotarisirwawo kupinda mumusangano uyu achipawo pfungwa dzavo pamusoro pemashandiro ari kuita makambani anochera mangoda muZimbabwe.

Aka ndekechipiri Zimbabwe ichiita musangano wakadai zvichitevera mumwe wakaitwa mugore ra 2012 kuVictoria Falls.

Musangano wemazuva maviri uyu uri kuitwa mazuva mashoma kusati kwaitwawo mumwe musangano mukuru wemangoda weKimberley Plenary uyo uchaitwa ku China svondo rinouya.

Hurukuro naVaShamiso Mtisi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG