Accessibility links

Breaking News

Vane Tsiye Nyoro Votandadza Vanoshaya kuMasvingo


Mhuri dzakawanda dzinonzi hadzina chekudya panguva ino yezororo
Mhuri dzakawanda dzinonzi hadzina chekudya panguva ino yezororo

Vamwe vashandi vanobatsira muguta reMasvingo vakabatana nekomiti inoona nezvekuchengetedzwa kwevana vasimudzira mweya yevana pamwe nevakura vanoshaya munzvimbo yavagere munguva ino yeKisimusi, kuburikidza nemabiko avaita pachikoro che Saint Francis Aphiri Primary School chiri muWard 3 muMasvingo Urban.

Mumwe wevashandi vanobatsira ava, VaRocky Jabulani Kamuzonda, vanoti vakaona kutambura kuri kuitwa nevana ava kuburikidza nekomiti inoona nezvekuchengetedzwa kwevana iyi, izvo zvakazoita kuti vapinde muvanhu vaine ndiro vachipemha.

VaKamuzonda vanoti vakakwanisa kuunganidza madhora mazana matatu kunyange hazvo vaive netarisiro yekuunganidza mazana masere emadhora.

Vanoti shuviro yavo hombe yaive yekuti vakwanisewo kuvawanisawo chekudya pazuva iro veruzhinji vanenge vachiita machikichori.

VaKamuzonda vanoti mabiko aya akwanisa kuunganidza vanhu vanosvika zana nemakumi mashanu, makumi mapfumbamwe nevashanu vavo vari vana vadiki.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG